ShonaTeam Revelation « 20 » |
Satani anosungwa
20Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.
2 Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,
3 ndokumukandira mugomba risina chigadziko, ndokumupfigira, ndokuisa mucherechedzo pamusoro pake, kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvika makore churu apera; zvino shure kweizvozvo anofanira kusunungurwa chinguva chidiki.
4 Zvino ndakaona zvigaro zveushe, uye vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwavari; ndikaona nemweya yeupenyu yevaiva vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, uye nekuda kweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, nevasina kugamuchira mucherechedzo pahuma yavo neparuoko rwavo; zvino vakararama uye vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.
5 Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvika makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.
6 Wakaropafadzwa uye mutsvene ane mugove pakumuka kwekutanga; pane ava rufu rwechipiri harwuna simba; asi vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachabata ushe pamwe naye makore churu.
Satani anosunungurwa ndokuzokundwa kwazvo
7 Zvino panopera makore churu, Satani achasunungurwa kubva mutirongo rake,
8 zvino uchabuda kutsausa marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, avaunganidzire hondo; uwandu hwavo hwakaita sejecha regungwa.
9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodikanwa; moto ndokuburuka kubva kuna Mwari uchibva kudenga ndokuvamedza.
10 Zvino dhiabhorosi wakavatsausa akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvika rinhi narinhi.
Kutonga kwekupedzisira
11 Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, newaiva agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.
12 Uye ndakaona vakafa, vadiki nevakuru, vamire pamberi paMwari, mabhuku ndokuzarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu; vakafa vakatongwa kubva pane zvaiva zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.
13 Zvino gungwa rakapa vakafa vaiva vari mariri; nerufu negehena zvikapa vakafa vaiva vari mazviri; uye vakatongwa, umwe neumwe, zvichienderana nemabasa avo.
14 Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.
15 Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu, wakakandirwa mudziva remoto.