ShonaTeam Revelation « 19 » |
Kuwa kweBhabhironi mufaro kudenga
19Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
2 nokuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama; nokuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, uye wakatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.
3 Zvino vakati rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hunokwira kusvika rinhi narinhi.
4 Zvino vakuru makumi maviri nevana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawa vakanamata Mwari waiva agere pachigaro cheushe, vachiti: Ameni, Hareruya!
5 Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mose varanda vake, nevanomutya, zvose vadiki nevakuru.
6 Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kune simba richiti: Hareruya! Nokuti anotonga Ishe Mwari Wemasimbaose.
7 Ngatifare, tipembere, nekupa rukudzo kwaari; nokuti muchato weGwayana wasvika, uye mukadzi waro wazvigadzirira.
8 Kwaari kwakapiwa kuti amonere mucheka wakaisvonaka wakachena uye unopenya; nokuti mucheka wakaisvonaka ndiwo kururama kwevatsvene.
9 Zvino wakati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakakokwa kuchirairo chemuchato weGwayana. Ndokuti kwandiri: Awa mashoko echokwadi aMwari.
10 Zvino ndakawira pamberi petsoka dzake kuti ndimunamate; ndokuti kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nokuti uchapupu hwaJesu ndiwo mweya wechiporofita.
Kristu anokunda chikara nemuporofita wenhema
11 Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, newaiva agere pamusoro paro anonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama anotonga nekurwa.
12 Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.
13 Zvino wakamonera nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi shoko raMwari.
14 Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka mucheka wakaisvonaka muchena wakashambidzika.
15 Zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye iye achaatonga netsvimbo yedare; uye iye anotsika chisviniro chewaini chehasha uye chekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.
16 Uye panguvo nepachidzva chake paiva pakanyorwa zita rinoti: MAMBO WEMADZIMAMBO NAISHE WEMADZISHE.
17 Zvino ndakaona mutumwa umwe amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai muungane pamwe pachirairo chaMwari mukuru,
18 kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza neyevatasvi vawo, nenyama yevose, zvose yevakasununguka neyevakasungwa, zvose yevadiki neyevakuru.
19 Zvino ndakaona chikara, nemadzimambo enyika nehondo dzavo vakaungana pamwe kuti vaite hondo newaiva akatasva bhiza, uye nehondo yake.
20 Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe nacho muporofita wenhema wakaita zviratidzo pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vaviri vakakandirwa vari vapenyu mudziva remoto unotsva nesarufa.
21 Uye vakasara vakaurawa nemunondo wewaiva akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzose dzikagutiswa nenyama yavo.