ShonaTeam Revelation « 17 »

Mhombwe huru nechikara

17Zvino kwakauya umwe wevatumwa vanomwe vaiva vane ndiro nomwe, ndokutaura neni, achiti kwandiri: Uya pano, ndicharatidza kwauri mutongo wemhombwe huru igere pamusoro pemvura zhinji;

2 madzimambo enyika aakaita upombwe nayo, nevagari vepanyika vakadhakiswa newaini yeupombwe hwayo.

3 Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekunyomba, chine misoro minomwe nenyanga gumi.

4 Zvino mukadzi waiva akamonera zvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye akashonga goridhe nemabwe anokosha nemaparera*, ane mukombe wegoridhe muruoko rwake uzere nezvinosemesa netsvina yeupombwe hwake.

5 Nepahuma yake paiva pakanyorwa zita rekuti: CHAKAVANZIKA, BHABHIRONI GURU, MAI VEMHOMBWE NEZVINOSEMESA ZVENYIKA.

6 Zvino ndakaona mukadzi akararadza neropa revatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu. Zvino ndakati ndamuona ndikashamisika nekushamisika kukuru.

7 Zvino mutumwa akati kwandiri: Washamisika nei? Ini ndichakuudza chakavanzika chemukadzi, nechechikara chinomutakura, chine misoro minomwe nenyanga gumi.

8 Chikara chawakaona, chaivapo, uye chisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko, chichienda mukuparadzwa; uye vanogara panyika, vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika, vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo.

9 Zvino heino fungwa ine njere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe mukadzi paagere pamusoro pawo,

10 uye ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, uye umwe aripo, umwe haasati asvika; uye kana achisvika, anofanira kugara chinguvana.

11 Uye chikara chaivapo, uye chisipo, ndiyewo werusere, uye anobva pavanomwe, uye anoenda mukuparadzwa.

12 Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi, asati agamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe.

13 Ava vane fungwa imwe, uye vanopa simba neutongi hwavo kuchikara.

14 Ava vacharwa neGwayana, uye Gwayana richavakunda, nokuti ndiIshe wemadzishe naMambo wemadzimambo; nevanaro ndevakadanwa nevakasarudzwa nevakatendeka.

15 Zvino akati kwandiri: Mvura yawaona, pagere mhombwe, ndivo vanhu nezvaunga nemarudzi nendimi.

16 Uye nyanga gumi dzawaona pamusoro pechikara, avo vachavenga mhombwe, uye vachaiparadza nekuifukura, uye vachadya nyama yayo, nekuipisa nemoto.

17 Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite fungwa yake, vaite fungwa imwe, nekupa chikara ushe hwavo, kusvika mashoko aMwari apedzeredzwa.

18 Zvino mukadzi wawaona ndiro guta guru, rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.