ShonaTeam Revelation « 16 »

16Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.

2 Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vaiva vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.

3 Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya weupenyu mupenyu wega-wega ukafa mugungwa.

4 Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.

5 Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newaiva aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.

6 Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.

7 Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.

8 Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.

9 Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.

10 Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.

11 Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.

12 Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.

13 Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;

14 nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yose, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.

15 Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.

16 Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.

17 Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!

18 Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.

19 Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.

20 Zvino chiwi choga-choga chikatiza, nemakomo akasawanikwa.

21 Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda* chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.