ShonaTeam Revelation « 15 » |
Vatumwa vanomwe vane ndiro nomwe
15Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga chikuru uye chinoshamisa, vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nokuti mune awa kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa.
2 Ndikaona segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, neavo vakakunda chikara nemufananidzo wacho nemucherechedzo wacho, nenhamba* yezita racho, vamire pagungwa regirazi, vane mbira hwaMwari.
3 Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari nerwiyo rweGwayana, vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, Mambo wevatsvene.
4 Ndiani angatongorega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nokuti ndimwi moga mutsvene; nokuti marudzi ose achauya uye achanamata pamberi penyu; nokuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.
5 Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetabhenakeri yeuchapupu mukudenga;
6 zvino kwakabuda vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe mutembere, vakapfeka mucheka wakachena unopenya, uye vakamonerwa pazvifuva nemabhanhire egoridhe.
7 Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzizere nehasha dzaMwari, anorarama kusvika rinhi narinhi.
8 Tembere ndokuzadzwa neutsi hunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava newakagona kupinda mutembere, kusvika matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.