ShonaTeam Revelation « 14 »

Gwayana nevakadzikunurwa

14Zvino ndakaona, uye tarira, Gwayana ramira pagomo Ziyoni, uye pamwe naro zvuru zana nemakumi mana nezvina, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.

2 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwawo inzwi revaridzi vembira vachiridza mbira hwavo.

3 Zvino vakaimba serwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uye hakuna wakagona kudzidza rwiyo, kunze kwezvuru zana nemakumi mana nevana, vakatengwa munyika.

4 Ava ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nokuti imhandara. Ava ndivo vanotevera Gwayana kupi zvako kwarinoenda. Ava vakatengwa kubva pavanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.

5 Uye mumuromo wavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nokuti havana chavanopomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.

Vatumwa vanozivisa kutonga kwaMwari

6 Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuparidzira vanogara panyika, nekurudzi rwose, nedzinza, nerurimi, nevanhu.

7 Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, uye mupe rumbidzo kwaari, nokuti nguva yemutongo wake yasvika; uye namatai iye wakaita denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.

8 Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, rawa, Bhabhironi, guta guru, nokuti rakapa marudzi ose kunwa zvewaini yekutsamwa kweupombwe hwaro.

9 Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera, achiti nenzwi guru: Kana pane umwe anonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake, kana paruoko rwake,

10 ndiyewo achanwa zvewaini yekutsamwa kwaMwari, yakadururwa mumukombe wekutsamwa kwake, isina kuvhenganiswa; uye acharwadziswa mumoto uye sarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.

11 Zvino utsi hwekurwadziwa kwavo hunokwira kusvika rinhi narinhi; uye havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, uye kana pane anogamuchira mucherechedzo wezita racho.

12 Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.

13 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, anoreva Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo; nemabasa avo anotevera pamwe navo.

14 Zvino ndakaona, uye tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yegoridhe pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.

15 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye waiva agere pamusoro pegore, achiti: Pinza jeko rako ugokohwa; nokuti nguva yekukohwa yakusvikira, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.

16 Zvino waiva agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ndokukohwewa.

17 Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.

18 Neumwe mutumwa akabuda muaritari, ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nekudana kukuru kuna iye waiva ane jeko rinopinza, achiti: Tuma jeko rako rinopinza, ugounganidza masumbu emuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.

19 Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, ndokuunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.

20 Uye chisviniro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvika pamatomu amabhiza, kubva kumastadhia* churu mazana matanhatu.