ShonaTeam Revelation « 13 »

Zvikara zviviri

13Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.

2 Zvino chikara ichi chandakaona chaiva chakaita sengwe, netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba. Zibukanana rikapa kwachiri simba raro, nechigaro charo cheushe, nemasimba makuru.

3 Zvino ndakaona umwe wemisoro yacho wakaita sewakaurawa kusvika parufu; asi vanga racho rekufa raiva rapodzwa; uye nyika yose ikashamisika shure kwechikara.

4 Uye vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara, vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndiani anogona kuita hondo nacho?

5 Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwawo kwachiri simba rekubata mwedzi makumi mana nemiviri.

6 Ndokushamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake, netabhenakeri yake, neavo vanogara kudenga.

7 Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda; kukapiwawo kwachiri masimba pamusoro perudzi rwose nerurimi nerudzi.

8 Uye vose vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabaiwa kubva pakuvambwa kwenyika.

9 Kana umwe ane nzeve, ngaanzwe.

10 Kana umwe achiunganidza muutapwa, anoenda muutapwa; kana umwe achiuraya nemunondo, zvakamufanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.

Chikara chakabva panyika

11 Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira kubva panyika; uye chaiva chine nyanga mbiri segwayana, ndokutaura sezibukanana.

12 Uye chakashandisa simba rose rechikara chekutanga pamberi pacho uye chinoita kuti nyika nevagere mukati mayo vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.

13 Chinoitawo zviratidzo zvikuru, kuti nemoto chinoita kuti uburuke kubva kudenga kuuya panyika pamberi pevanhu.

14 Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezviratidzo zvakapiwa kwachiri kuti chiite pamberi pechikara, chichiti kune vanogara panyika, ngavaitire mufananidzo chikara chaiva chine vanga remunondo, chikararama.

15 Zvino kwakapiwa kwachiri kupa mweya kumufananidzo wechikara, kutiwo mufananidzo wechikara utaure, chigoita kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.

16 Chinoitawo vose, vadiki nevakuru, uye vafumi nevarombo, uye vakasununguka nevaranda, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,

17 uye kuti kusava neumwe anogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye ane mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.

18 Hehuno uchenjeri. Ane kunzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nokuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.