ShonaTeam Revelation « 12 »

Mukadzi nezibukanana

12Zvino kwakaonekwa chiratidzo chikuru kudenga, mukadzi akapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;

2 uye waiva ane pamuviri, akadanidzira achirwadziwa nemimba, uye achitambudzwa kupona.

3 Zvino kwakaonekwa chimwe chiratidzo kudenga, tarirawo, zibukanana ziguru zidzvuku, rine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamisoro yaro korona nomwe.

4 Zvino muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana ndokumira pamberi pemukadzi waiva oda kupona, kuti kana apona, agoparadza mwana wake.

5 Zvino wakapona mwana mukomana, waiva oda kufudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokubvutirwa kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.

6 Zvino mukadzi akatizira kurenje, kwaaiva ane nzvimbo yakagadzirwa kubva kuna Mwari, kuti vamuriritira ipapo mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.

7 Zvino kukava nehondo kudenga; Mikayeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo;

8 asi havana kukunda, uye nzvimbo yavo haina kuzowanikwa zvekare kudenga.

9 Zvino zibukanana ziguru rakakandwa, nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, anonyengera nyika yose; wakakandirwa panyika, nevatumwa vake vakakandwa pamwe naye.

10 Zvino ndakanzwa inzwi guru richiti kudenga: Ikozvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, neumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, anovapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.

11 Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, uye neshoko reuchapupu hwavo, uye havana kuda upenyu hwavo kusvika parufu.

12 Naizvozvi farai, matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari venyika negungwa, nokuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri ane kutsamwa kukuru, nokuti anoziva kuti ane nguva diki.

13 Zvino zibukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika, rakashusha mukadzi wakapona murume.

14 Zvino kumukadzi kwakapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.

15 Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti imukonzerese kukukurwa nerwizi.

16 Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi zibukanana rwarakabudisa mumuromo maro.

17 Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake, vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.