ShonaTeam Revelation « 11 »

Zvapupu zviviri zvaMwari

11Zvino kwakapiwa kwandiri rutsanga rwakaita semudonzvo, mutumwa ndokumira achiti: Simuka, zvino yera tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.

2 Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.

3 Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.

4 Ava miti miviri yemiorivhi, nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.

5 Zvino kana kune anoshuva kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo wavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana umwe achishuva kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.

6 Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ose nguva dzose dzavanoda.

7 Uye kana vapedza uchapupu hwavo, chikara chinokwira kubva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, ndokuvakunda nekuvauraya.

8 Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu.

9 Zvino vanobva kuvanhu nevemarudzi nevendimi nevendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe mumakuva.

10 Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nokuti vaporofita ava vaviri vakatambudza vanogara panyika.

11 Zvino shure kwemazuva matatu nehafu, mweya weupenyu kubva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vakavaona.

12 Zvino vakanzwa inzwi guru richibva kudenga, richiti kwavari: Kwirai pano. Zvino vakakwira kudenga vari mugore; vavengi vavo ndokuvaona.

13 Zvino nenguva iyoyo kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, chegumi cheguta ndokuwa, nemazita evanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara ndokuvhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.

14 Nhamo yechipiri yapfuura; zvino tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kuuya.

Hwamanda yechinomwe

15 Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuva kudenga, achiti: Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye achatonga kusvika rinhi narinhi.

16 Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawa nezviso zvavo vakanamata Mwari,

17 vachiti: Tinokuvongai, Ishe Mwari Wemasimbaose, aripo, waiva aripo, neachauya, nokuti makatora simba renyu guru, uye makatonga.

18 Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nekuvanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.

19 Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano yake mutembere yake; ndokuvapo mheni nemanzwi nekutinhira nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.