ShonaTeam Revelation « 6 »

Micherechedzo mitanhatu yekutanga inozarurwa

6Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.

2 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva waiva ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.

3 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.

4 Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, uye kuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.

5 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newaiva akaritasva waiva ane chiyereso muruoko rwake.

6 Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.

7 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.

8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newaiva akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.

9 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yeupenyu yevaiva vaurawa nekuda kweshoko raMwari, uye nekuda kweuchapupu hwavaiva nahwo.

10 Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvika rinhi, Tenzi, mutsvene uye wechokwadi, mucharega kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?

11 Zvino kwakapiwa umwe neumwe nguvo refu chena, zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chidiki kusvika vamwewo varanda pamwe navo nehama dzavo dzaiva dzoda kuurawa saivowo vakwaniswa.

12 Zvino ndakaona paraiva razarura mucherechedzo wechitanhatu, uye tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, uye zuva rakasviba sesaga remvere, nemwedzi ukaita seropa;

13 nenyeredzi dzedenga dzakawira panyika, semuonde unowisa maonde awo eshure, uchizuzwa nemhepo huru.

14 Zvino denga rakabva serugwaro rwakapetwa; negomo roga-roga nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.

15 Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, nevafumi, nevatungamiriri vehondo, nevane simba, nevaranda vose, nevakasununguka vose vakanozvivanza mumapako nemumabwe emakomo,

16 zvino vakati kumakomo nekumabwe: Wirai pamusoro pedu, mutivige pachiso chaiye anogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;

17 nokuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani anogona kumira?