ShonaTeam Revelation « 5 »

Gwayana rinozarura bhuku

5Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye waiva agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.

2 Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro?

3 Asi kwaiva kusina munhu kudenga, kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira.

4 Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira.

5 Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe.

6 Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yose.

7 Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe.

8 Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane mbira nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.

9 Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rose, nerurimi, nevanhu, nerudzi,

10 makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.

11 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwaiva kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru,

12 vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.

13 Nechisikwa choga-choga chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa, nezvose zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa nerukudzo nekubwinya nesimba kusvika rinhi narinhi.

14 Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.