ShonaTeam Revelation « 2 »

Tsamba kukereke iri paEfeso

2Kumutumwa wekereke yeEfeso nyora uti: Zvinhu izvi anoreva iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe,

2achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema,

3 wakamirawo uye ukava nemoyo murefu, uye nekuda kwezita rangu wakarwisa, ukasaneta.

4 Asi ndine kupikisana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.

5 Naizvozvo rangarira pawakawa, uye tendeuka, uitewo mabasa ekutanga; kana zvikasadarowo ndichauya kwauri nekukurumidza, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje kubva panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.

6 Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, neni andinovenga.

7 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Kuna iye anokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu uri pakati peParadhiso yaMwari.

Tsamba kukereke iri paSimirina

8 Nekumutumwa wekereke yeSimirina nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Wekutanga neWekupedzisira, wakava akafa ndokurarama:

9 Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekutuka kwevanoti ivo vaJudha pachavo, asi vasiri, asi vari sinagoge raSatani.

10 Usatya chimwe chezvinhu zvaoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvika parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu.

11 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda haatongokuvadzwi nerufu rwechipiri.

Tsamba kukereke iri paPegamo

12 Uye kumutumwa wekereke iri paPegamo nyora uti: Zvinhu izvi anotaura iye ane munondo unopinza mativi maviri:

13 Ndinoziva mabasa ako uye paunogara, ipo pane chigaro cheushe chaSatani, uye wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange pamazuva paiva naAntipasi, chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani.

14 Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, nokuti unavo ipapo vanobatirira dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kukanda chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabairwa zvifananidzo nekuita upombwe.

15 Saizvozvo newe unavo vanobatisisa dzidziso yevaNikoraiti, chinhu chandinovenga.

16 Tendeuka; zvino kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.

17 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke. Anokunda, ndichapa kwaari kuti adye kubva pamana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risina anoziva, kunze kweanorigamuchira.

Tsamba kukereke iri paTiatira

18 Nekumutumwa wekereke iri paTiatira nyora uti: Izvi anoreva Mwanakomana waMwari, ane meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira yakakwenenzverwa:

19 Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira, nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako, uye kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.

20 Asi ndine zvinhu zvishoma zvinopokana newe, kuti unotendera mukadzi Jezebheri, anozviidza muporofitakadzi, kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe nekudya zvakabairwa zvifananidzo.

21 Zvino ndakamupa nguva kuti atendeuke kubva paufeve hwake, asi haana kutendeuka.

22 Tarira, ini ndichamukandira panhovo, nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kana vasingatendeuki kubva pamabasa avo.

23 Uye ndichauraya vana vake murufu; nemakereke ose achaziva kuti ini ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.

24 Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vari paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura: Handingakutakudzii umwe mutoro.

25 Asi izvo zvamunazvo batisisai kusvika ndichiuya.

26 Uye anokunda nekuchengeta mabasa angu kusvika pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;

27 uye achaatonga netsvimbo yedare; semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.

28 Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani.

29 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.