ShonaTeam Revelation « 1 »

Zita rebhuku neremunyori

1 Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika, zvino azvituma nemutumwa wake wakaratidza muranda wake Johwani,

2 iye wakapupura shoko raMwari uye uchapupu hwaJesu Kristu, nezvose zvaakaona.

3 Wakaropafadzwa anoverenga, nevanonzwa mashoko echiporofita ichi, vachichengeta zvakanyorwa machiri; nokuti nguva yava pedo.

Kukwazisa kwaJohwani

4 Johwani kumakereke manomwe ari muAsia: Nyasha kwamuri nerugare zvinobva kuna iye aripo uye waiva aripo neachazouya; nekuMweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;

5 nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kubva kune vakafa, nemutungamiriri wemadzimambo enyika. Kuna iye wakatida, akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;

6 akatiitawo madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake; kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvika rinhi narinhi. Ameni.

7 Tarira, anouya pamwe nemakore, uye ziso rose richamuona, neavo vakamubaya; nemarudzi ose enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.

8 Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newaiva aripo, neachazouya, Wemasimbaose.

Jesu anozviratidza kuna Johwani paPatimosi

9 Ini Johwani, ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika nemuushe nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndaiva ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nekuda kweshoko raMwari uye nekuda kweuchapupu hwaJesu Kristu.

10 Ndaiva ndiri muMweya nezuva raIshe, zvino ndakanzwa shure kwangu inzwi guru, serehwamanda,

11 richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirina, nekuPerigamo, nekuTiatira, nekuSaridhisi, nekuFiradhefia, nekuRaodhikia.

12 Zvino ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Ndatendeukawo ndakaona zvigadziko zvemwenje zvegoridhe zvinomwe,

13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, umwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akapfeka nguvo yakasvikira kutsoka, uye akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire regoridhe.

14 Nemusoro wake nemavhudzi zvakachena semakushe emakwai machena, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;

15 uye tsoka dzake dzakafanana nendarira yakakwenenzverwa, sedzinenge dzakapiswa muvira remoto; neinzwi rake seinzwi remvura zhinji.

16 Uye waiva ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.

17 Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;

18 uye mupenyu; ndaiva ndakafawo, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvika rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.

19 Nyora zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kweizvi.

20 Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvegoridhe. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.