ShonaTeam 3 John « 1

Kwaziso

1 Mukuru kuna Gayo anodikanwa, wandinoda ini pachokwadi.

Gayo anorumbidzwa

2 Mudikanwi, ndinonyengetera pazvinhu zvose kuti ubudirire, uye ugwinye, semweya weupenyu wako uchibudirira.

3 Nokuti ndakafara zvikuru, hama padzakasvika ndokupupurira chokwadi chako, sezvaunofamba iwe muchokwadi.

4 Handina mufaro unopfuura izvi, kuti ndinzwe vana vangu vachifamba muchokwadi.

5 Mudikanwi, unoita nekutendeka zvose zvaunobata kuhama nekuvaeni,

6 vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana ukavaperekedza zvakafanira Mwari.

7 Nokuti nekuda kwezita rake vakabuda vasingagamuchiri chinhu kuvahedheni.

8 Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tigova vanobatsirana pachokwadi.

Dhiotirefe anopiwa mhaka. Dhemetrio anorumbidzwa

9 Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefesi, anoda kuva wekutanga pakati pavo asingatigamuchiri.

10 Naizvozvo, kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa nemashoko akaipa; uye asingagutsikani neizvozvo, kunyange iye amene haagamuchiri hama, uye anovadzivisa vanoda, nekudzinga mukereke.

11 Mudikanwi, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Anoita chakanaka ndeanobva kuna Mwari; asi anoita zvakaipa, haana kuona Mwari.

12 Dhemetrio anopupurirwa zvakanaka nevose, uye nechokwadi pachacho; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndekwechokwadi.

Kuonekana

13 Ndaiva ndine zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;

14 asi ndinovimba kukurumidza kukuona, titauriranewo muromo nemuromo. Rugare kwauri. Vadikanwi vanokukwazisa. Kwazisa vadikanwi nezita.