ShonaTeam 1 John « 5

Anotenda kuna Jesu Kristu ndiye anokunda nyika

5Ani nani anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, wakaberekwa kubva kuna Mwari; uye ani nani anoda uyo wakabereka anodawo wakaberekwa kubva kwaari.

2 Pane izvi tinoziva kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari, uye tichichengeta mirairo yake.

3 Nokuti urwu rudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; uye mirairo yake hairemi.

4 Nokuti chipi nechipi chakaberekwa kubva kuna Mwari chinokunda nyika; uye uku ndiko kukunda kunokunda nyika, irwo rutendo rwedu.

5 Ndiani anokunda nyika, kana asiri iye anotenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?

6 Uyu ndiye wakauya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; kwete nemvura yega, asi nemvura neropa. Zvino Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ichokwadi.

7 Nokuti kune vatatu vanopupura kudenga: Baba, Shoko, naMweya Mutsvene; uye ava vatatu ndimumwe.

8 Uye kune vatatu vanopupura panyika: Mweya, nemvura, neropa; uye ava vatatu vari mune chimwe.

9 Kana tichigamuchira uchapupu hwevanhu, uchapupu hwaMwari hwakapfuura kukura; nokuti uhu uchapupu hwaMwari, hwaakapupura pamusoro peMwanakomana wake.

10 Uyo anotenda kuMwanakomana waMwari ane uchapupu maari pachake; asingatendi Mwari wakamuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda uchapupu Mwari hwaakapupura maererano neMwanakomana wake.

11 Uye uhu ndihwo uchapupu, kuti Mwari wakatipa upenyu husingaperi; zvino upenyu uhu huri muMwanakomana wake.

12 Uyo ane Mwanakomana ane upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.

Mashoko ekupedzisira

13 Zvinhu izvi ndazvinyora kwamuri imwi munotenda kuzita reMwanakomana waMwari, kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi, uye kuti mutende kuzita reMwanakomana waMwari.

14 Uye uhu ndihwo ushingi hwatinahwo maari, kuti kana tichikumbira chinhu zvinoenderana nekuda kwake, anotinzwa;

15 zvino kana tichiziva kuti anotinzwa, zvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tine zvichemo zvatakakumbira kwaari.

16 Kana umwe achiona hama yake ichitadza chivi chisiri cherufu, achakumbira, uye achamupa upenyu kune vasingatadzi chivi cherufu. Chiripo chivi cherufu; handisi kuti akumbire pamusoro pechichi.

17 Kusarurama kose chivi; uye chivi chiripo chisiri cherufu.

18 Tinoziva kuti ani nani wakaberekwa kubva kuna Mwari haatadzi; asi uyo wakaberekwa kubva kuna Mwari anozvichengeta, uye wakaipa haamubati.

19 Tinoziva kuti tiri vanobva kuna Mwari, nenyika yose irere muzvakaipa.

20 Uye tinoziva kuti Mwanakomana waMwari wakauya, akatipa kunzwisisa kuti tizive iye wechokwadi; nesu tiri mune wechokwadi, muMwanakomana wake Jesu Kristu. Uyu ndiye Mwari wechokwadi, neupenyu husingaperi.

21 Vana vadiki, zvichengetedzei pazvifananidzo. Ameni.