ShonaTeam 1 John « 2 »

Kristu Jesu Murevereri

2Vana vangu vadiki, zvinhu izvi ndinokunyorerai, kuti musatadza. Uye kana umwe achitadza, tine Murevereri kuna Baba, Jesu Kristu wakarurama;

2 uye iye muripo wekuyananisa wezvivi zvedu; kwete wezvedu chetewo, asiwo wezvenyika yose.

3 Uye mune izvi tinoziva kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.

4 Uyo anoti: Ndinomuziva, asi asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, nemaari chokwadi hachimo;

5 asi ani nani anochengeta shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari rwakaperedzerwa maari. Naizvozvi tinoziva kuti tiri maari.

6 Uyo anoti anogara maari, iye anofanirawo kufamba saizvozvo sezvaakafamba iyewo.

Murairo werudo

7 Hama, handinyori murairo mutsva kwamuri, asi murairo mutsaru, wamaiva munawo kubva pakutanga; murairo mutsaru ishoko ramakanzwa kubva pakutanga.

8 Ndinopamha kukunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chechokwadi maari nemamuri; nokuti rima rinopfuura, zvino chiedza chechokwadi chadovhenekera.

9 Uyo anoti ari muchiedza, achivengawo hama yake, ari murima kusvika zvino.

10 Uyo anoda hama yake anogara muchiedza, uye hapana chigumbuso maari.

11 Asi uyo anovenga hama yake ari murima, uye anofamba murima, haaziviwo kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.

Musada nyika

12 Ndinonyorera imwi, vana vadiki, nokuti zvivi makazvikanganwirwa nekuda kwezita rake.

13 Ndinonyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva uripo kubva pakutanga. Ndinonyorera imwi, vadiki, nokuti makakunda wakaipa. Ndinonyorera imwi, vanana, nokuti makaziva Baba.

14 Ndanyorera imwi, madzibaba, nokuti makamuziva iye waiva aripo kubva pakutanga. Ndanyora kwamuri, vadiki, nokuti makasimba, uye shoko raMwari rinogara mamuri uye makakunda wakaipa.

15 Musada nyika, kana zvinhu zviri munyika. Kana umwe achida nyika, rudo rwaBaba harwusi maari.

16 Nokuti zvose zviri munyika, kuchiva kwenyama, nekuchiva kwameso, nekuzvikudza kweupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva panyika.

17 Uye nyika inopfuura, nekuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari anogara kusvika rinhi narinhi.

Mupikisi waKristu nekuuya kwaIshe

18 Vana vadiki, inguva yekupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti mupikisi waKristu anouya, naikozvino vazhinji vava vapikisi vaKristu; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yekupedzisira.

19 Vakabuda kwatiri, asi vaiva vasiri vanobva kwedu, nokuti dai vaibva kwedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabuda kuti varatidzwe kuti havasi vose vanobva kwedu.

20 Asi imwi mune kuzodzwa kunobva kune Mutsvene, uye munoziva zvinhu zvose.

21 Handina kukunyorerai nokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakutongorina nhema dzingabva pachokwadi.

22 Ndiani murevi wenhema, kunze kwaiye anoramba kuti Jesu ndiKristu? Iye mupikisi waKristu, anoramba Baba neMwanakomana.

23 Ani nani anoramba Mwanakomana haanawo Baba; anobvuma Mwanakomana ana Babawo.

24 Zvino imwi zvamakanzwa kubva pakutanga ngazvigare mamuri. Kana zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, imwiwo muchagara muMwanakomana nemuna Baba.

25 Uye ichi ndicho chivimbiso chaakativimbisa iye, upenyu husingaperi.

26 Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pevanokutsausai.

27 Asi imwi kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki kuti umwe akudzidzisei; asi kuzodzwa ikoku sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, uye kuri chokwadi, dzisati dziri nhema, uye sezvakwakakudzidzisai, muchagara maari.

28 Uye ikozvino, vana vadiki, garai maari, kuti kana achizoonekwa, tive nechivimbo, tiregewo kunyadziswa naye pakuuya kwake.

29 Kana muchiziva kuti wakarurama, munoziva kuti umwe neumwe anoita zvakarurama wakaberekwa naye.