ShonaTeam 1 John « 1 »

Upenyu huri muna Jesu Kristu

1 Icho chaiva chiripo kubva pakutanga, icho chatakanzwa, icho chatakaona nemeso edu, icho chatakatarira, uye maoko edu akachibata, cheShoko reupenyu,

2 (uye upenyu hwakaratidzwa, tikahuonawo, uye tinopupura nekukuparidzirai upenyu husingaperi, hwaiva huna Baba, hukaratidzwawo kwatiri);

3 icho chatakaona nekunzwa, tinokuparidzirai, kuti nemwi mudyidzane nesu; uyewo kudyidzana kwedu kuripo naBaba, uye neMwanakomana wavo Jesu Kristu;

4 uye zvinhu izvi tinonyora kwamuri, kuti mufaro wenyu uzadziswe.

Fambai muchiedza muchipupura zvivi zvenyu

5 Zvino iri ishoko ratakanzwa kwaari uye ratinoparidza kwamuri, kuti Mwari chiedza, uye maari hamuna rima zvachose.

6 Kana tichiti tine kudyidzana naye, asi tichifamba murima, tinoreva nhema, uye hatiiti chokwadi;

7 asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tine kudyidzana umwe neumwe, neropa raJesu Kristu Mwanakomana wake rinotinatsa pachivi chose.

8 Kana tichiti hatina chivi, tinozvinyengera, nechokwadi hachisi matiri.

9 Kana tichibvuma zvivi zvedu, iye wakatendeka uye wakarurama kuti atikanganwire zvivi, nekutinatsa pakusarurama kose.

10 Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harisi matiri.