ShonaTeam 1 Peter « 3 »

Vakadzi nevarume

3Saizvozvo vakadzi, muzviise pasi pevarume venyu iyemwi; kuti kanawo vamwe vasingateereri kushoko, vawanikwe nekuda kwemafambiro evakadzi pasina shoko,

2 vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.

3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze kwekuruka vhudzi nekwekupfeka goridhe, kana kupfeka nguvo;

4 asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo, pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, anokosha zvikuru pamberi paMwari.

5 Nokuti karewo vakazvishongedza saizvozvo vakadzi vatsvene vaivimba naMwari, vachizviisa pasi pevarume vavo ivo;

6 saSara akateerera Abhurahama akamuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi, kana muchiita zvakanaka, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.

7 Saizvozvo varume, garisanai nevakadzi venyu zvinoenderana neruzivo, muchikudza mukadzi sekumudziyo usina simba, sevadyiwo venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe navo; kuti minyengetero yenyu irege kudzivirirwa.

Rudo nekutsungirira pakutambudzika

8 Pakupedzisirawo, ivai nemoyo umwe mose, muchinzwirana tsitsi, mude hama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;

9 musingatsivi chakaipa nechakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadza, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.

10 Nokuti uyo anoda kuda upenyu, nekuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura kunyengera.

11 Ngaatsauke pane zvakaipa ndokuita zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.

12 Nokuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake pamunyengetero wavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.

13 Zvino ndiani achakukuvadzai, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?

14 Asi kunyange kana imwi muchitambudzika nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, uye musavhiringidzwa;

15 asi itai Ishe Mwari mutsvene mumoyo yenyu; mugare makazvigadzirira kupindura umwe neumwe anokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu, neunyoro nekutya;

16 mune hana yakanaka, kuti, pavanokucherai sevaiti vezvakaipa, vanyare ivo vanotuka mafambiro enyu akanaka muna Kristu.

17 Nokuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, pane muchiita zvakaipa.

18 Nokuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama pachinzvimbo chevasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa neMweya;

19 mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,

20 iyo yaimbova isingateereri, apo moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, ndiko kuti mweya yeupenyu misere nemvura.

21 Mufananidzo wayo rubhabhatidzo rwunotiponesawo ikozvino, kwete kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira kwehana yakanaka kuna Mwari kubudikidza nekumukazve kwaJesu Kristu,

22 ari kuruoko rwerudyi rwaMwari aenda kudenga; vatumwa neumambo nemasimba zvaiswa pasi pake.