ShonaTeam 1 Peter « 2 »

Kurai muna Kristu

2Naizvozvo bvisai uipi hwose nemano-mano ose neunyepedzeri negodo neucheri hwose,

2 sevacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kuiswa chinhu weshoko, kuti mukure nawo;

3 zvimwe kana makaravira kuti Ishe ane moyo munyoro.

Kuvakwa kweimba yemweya

4 Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha,

5 imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.

6 Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi.

7 Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona,

8 uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo.

9 Asi imwi muri rudzi rwakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kose kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa;

10 imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; maiva musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi.

Mufambiro wevaKristu pakati pevahedheni

11 Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya weupenyu;

12 mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa.

Tinofanira kuzviisa pasi pevatongi venyika

13 Naizvozvo muzviise pasi pekugadzwa kumwe nekumwe kwevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga;

14 kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka.

15 Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi;

16 sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari.

17 Kudzai vose. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo.

Varanda

18 Varanda, zviisei pasi pevana tenzi nekutya kose, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama.

19 Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira.

20 Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari.

21 Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake;

22 iye asina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make;

23 iye wakati achitukwa haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama;

24 iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake.

25 Nokuti maiva makaita semakwai akarasika; asi ikozvino madzokera kuMufudzi neMutariri wemweya yeupenyu yenyu.