ShonaTeam James « 5 |
Vafumi vasina tsitsi vanotukwa
5Uyai ikozvino imwi vafumi, chemai muungudze nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai.
2 Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa.
3 Goridhe renyu nesirivha zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira.
4 Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo.
5 Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya.
6 Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.
Ivai nemoyo murefu
7 Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvika pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvika chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira.
8 Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera.
9 Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova.
10 Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe.
11 Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.
Musapika
12 Asi pamberi pezvose, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.
Kunyengetera kune simba
13 Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema.
14 Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe;
15 uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.
16 Reururiranai kudarika, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru.
17 Eria waiva ari munhu wemanzwiro akafanana needu, akanyengetera nemoyo wose kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu;
18 zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo.
19 Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora,
20 ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya weupenyu parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.