ShonaTeam James « 4 »

Musafarira zvenyika

4Dzinobvepi hondo nekurwa pakati penyu? Hazvibvi apa here, pakuchiva kwenyu kunorwa pamitezo yenyu?

2 Munoshuva, asi hamuna chinhu; munouraya uye munoshumba, asi hamugoni kuwana chinhu; munorwa muchiita hondo, asi hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri.

3 Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.

4 Imwi mhombwe nemhombwekadzi, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika ruvengo kuna Mwari? Naizvozvo umwe neumwe anoda kuva shamwari yenyika, anova muvengi waMwari.

5 Kana munofunga kuti rugwaro rwunotaura pasina maturo here kuti: Mweya wakagara mukati medu anochivira godo?

6 Asi anopa nyasha huru; saka anoti: Mwari anopikisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.

7 Naizvozvo muzviise pasi kuna Mwari; pikisai dhiabhorosi, zvino achakutizai.

8 Swederai kuna Mwari, naiye achaswedera kwamuri; shambai maoko, vatadzi, uye muchenure moyo, imwi vemoyo miviri.

9 Tambudzikai uye rirai uye chemai; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nemufaro uve kusuruvara.

10 Zvininipisei pamberi paIshe, uye achakusimudzai.

Musatongana nekutonga vamwe

11 Musareverana zvakaipa, hama. Anorevera hama zvakaipa uye kutonga hama yake, anorevera murairo zvakaipa, nekutonga murairo; zvino kana uchitonga murairo, hausi muiti wemurairo, asi mutongi.

12 Umwe chete ndiye mutemi wemurairo, anogona kuponesa nekuparadza; iwe ndiwe ani anotonga umwe?

Zvamangwana hazvizikanwi

13 Uyai ikozvino imwi munoti: Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rekuti, tigogarako gore rimwe, tigotengeserana, tigowana mubairo;

14 imwi musingazivi zvamangwana. Nokuti upenyu hwenyu chii? Nokuti imhute inoonekwa nguva diki, ipapo ndokunyangarika.

15 Pakuti muti: Kana Ishe achida, tichararamawo, tigoita ichi kana icho.

16 Asi ikozvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kose kwakadai kwakaipa.

17 Naizvozvo anoziva kuita zvakanaka asingazviiti, chivi kwaari.