ShonaTeam James « 3 »

Rurimi rwunofanira kudzorwa

3Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kukuru.

2 Nokuti tose tinogumburwa pazvinhu zvizhinji. Kana umwe asingagumburwi pashoko, ndiye murume wakaperedzerwa, anogona kudzorawo muviri wose.

3 Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, ndokutenderedza muviri wawo wose.

4 Tarirai, nezvikepe, kunyange zviri zvikuru zvakadai, uye zvichitinhwa nemhepo dzine simba, zvinonangiswa nechidzoreso chidiki diki, chero kupi kunodikanwa nechishuwo chemufambisi.

5 Rwakadarowo rurimi rwuri mutezo mudiki, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto mudiki unotungidza matanda akakura sei!

6 Nerurimi moto, nyika yeuipi; ndizvo zvakaita rurimi rwakaiswa pakati pemitezo yedu, rwunosvibisa muviri wose, nekutungidza nzira yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.

7 Nokuti marudzi ose emhuka neeshiriwo, neezvesewo zvinokambaira neezvisikwa zvegungwa anopingudzwa uye akapingudzwa nechisikirwo chevanhu;

8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi; uipi husingadzoreki, rwuzere nechepfu inouraya.

9 Narwo tinorumbidza Mwari uye Baba, narwowo tinotuka vanhu vakaitwa nemufananidzo waMwari;

10 mumuromo umwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hazvina kufanira, hama dzangu, izvi zvive saizvozvo.

11 Chitubu chingadzutura pamuromo umwe chinonaka nechinovava here?

12 Hama dzangu, muonde unogona kubereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo hakuna chitubu chinobudisa mvura inovava neinonaka.

Kuchenjera kunobva kumusoro

13 Ndiani wakachenjera neanonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.

14 Asi kana mune godo rinovava nerukave mumoyo wenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.

15 Uhu hausi uchenjeri hunoburuka kubva kumusoro, asi hwenyika, hwechisikirwo, hweudhimoni.

16 Nokuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nekuita kose kwakaipa.

17 Asi uchenjeri hunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, husina kutsaura, uye husina kunyengera.

18 Uye chibereko chekururama chinodzvarwa murugare kune vanoita rugare.