ShonaTeam James « 2 »

Regai kusarura vanhu

2Hama dzangu, kwete nerusarura muve nerutendo rwaIshe wedu Jesu Kristu wekubwinya.

2 Nokuti kana muungano yenyu mukapinda murume ane mhete yegoridhe nenguvo inopenya, mukapindawo murombo ane nguvo yakasviba,

3 imwi ndokutarira uyo wakapfeka nguvo inopenya; ndokuti kwaari: Iwe gara pano zvakanaka; ndokuti kumurombo: Iwe mira ipapo; kana: Gara pano pasi pechitsiko chetsoka dzangu;

4 hamunawo kusarura mukati menyu pachenyu mukavawo vatongi vendangariro dzakaipa here?

5 Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa. Mwari haana here kusarudza varombo venyika ino, vakafuma parutendo, nevadyi venhaka yeushe hwaakavimbisa kune vanomuda?

6 Asi imwi makazvidza murombo. Vafumi havakutsikiririi here, uye ndivo vanokukweverai kumatare?

7 Ivo havanyombi zita rakanaka rakadanwa pamuri here?

8 Kana zvirokwazvo muchizadzisa murairo weushe, zvinoenderana nerugwaro rwunoti: Ida wekwako sezvaunozvida iwe, munoita zvakanaka;

9 asi kana mune rusarura, munoita chivi, munopwiswa nemurairo sevadariki.

10 Nokuti ani nani anochengeta murairo wose, asi akagumburwa pane umwe, anova nemhosva kune yose.

11 Nokuti iye wakati: Usaita upombwe; wakatiwo: Usauraya; zvino kana usingaiti upombwe, asi uchiuraya, wava mudariki wemurairo.

12 Taurai saizvozvo uye itai saizvozvo, sevachazotongwa nemurairo werusununguko.

13 Nokuti kutonga kusina tsitsi ndekweasina kuita tsitsi; uye tsitsi dzinozvirumbidza pakukutonga.

Rutendo rwusina mabasa rwakafa

14 Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ane rutendo, asi asina mabasa? Rutendo urwu rwunogona kumuponesa here?

15 Zvino kana hamarume kana hamakadzi yakashama uye achishaiwa kudya kwezuva rimwe nerimwe,

16 umwe wenyu ndokuti kwavari: Ibvai murugare, mudziyirwe uye mugute; asi musingavapi zvinhu zvinodikanwa nemuviri, izvo zvinobatsirei?

17 Saizvozvowo rutendo, kana rwusina mabasa, rwakafa pacharwo.

18 Asi umwe achati: Iwe une rutendo, neni ndine mabasa; ndiratidze rutendo rwako kunze kwemabasa ako, neni pamabasa angu ndichakuratidza rutendo rwangu.

19 Iwe unotenda kuti kuna Mwari umwe; unoita zvakanaka; nemadhimoni anotenda uye anodedera.

20 Asi unoda kuziva here, haiwa dununu, kuti rutendo rwusina mabasa rwakafa?

21 Abhurahama baba vedu havana kunzi vakarurama kubva pamabasa here, vabaira mwanakomana wavo Isaka pamusoro pearitari?

22 Unoona kuti rutendo rwakabata pamwe nemabasa ake, uye kubva pamabasa rutendo rwakaperedzerwa here?

23 Nerugwaro rukazadzisika rwunoti: NaAbhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengerwawo kwaari kuti ndiko kururama, akanziwo shamwari yaMwari.

24 Naizvozvo munoona kuti munhu anonzi wakarurama kubva pamabasa, uye kwete kubva parutendo chete.

25 Saizvozvowo naRakabhi chifeve haana kunzi wakarurama kubva pamabasa here, agamuchira vatumwa, nekuvabudisa neimwe nzira?

26 Nokuti semuviri pasina mweya wakafa, saizvozvowo rutendo rwusina mabasa rwakafa.