ShonaTeam James « 1 »

Kwaziso

1 Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri ari mukupararira: Kwaziwai.

Kutambudzika nemiidzo

2 Zvitorei semufaro wose, hama dzangu, kana muchiwira mumiedzo yakasiyana-siyana,

3 muchiziva kuti kuedzwa kwerutendo rwenyu kunobudisa kutsungirira;

4 asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakapedzeredzwa nekukwana, musingatairi pachinhu.

5 Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopavhurira vose, uye asingatuki, zvino achadzipiwa.

6 Asi ngaakumbire murutendo, asiri asina chokwadi nechinhu; nokuti asina chokwadi wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.

7 Nokuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu kuna Ishe.

8 Murume ane moyo miviri anoshanduka-shanduka panzira dzake dzose.

9 Asi hama yakaderera ngaizvikudze pakukudzwa kwake;

10 nemufumi pakuderedzwa kwake; nokuti seruva reuswa achapfuura.

11 Nokuti zuva rinobuda pamwe nekupisa, ndokuomesa uswa, neruva rahwo rinowira pasi, nekunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi achabvuruvara panzira dzake.

12 Wakaropafadzwa munhu anotsungirira pamuedzo; nokuti kana aedzwa, achagamuchira korona yeupenyu, Ishe yaakavimbisa kune vanomuda.

13 Kusava nemunhu anoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, naiye amene haaidzi munhu.

14 Asi umwe neumwe anoidzwa, kana achikwehwa nekuchiva kwake pachake, nekukwezvewa.

15 Ipapo kuchiva kana kwarema kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.

16 Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.

17 Chipo chose chakanaka nechipiwa chose chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, navo pasina kupinduka, kana mumvuri wekushanduka.

18 Nekuda kwake wakabereka isu neshoko rechokwadi, kuti isu tive sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.

Ivai vaiti veshoko

19 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave anokurumidza pakunzwa, anononoka pakutaura, anononoka pakutsamwa;

20 nokuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.

21 Naizvozvo bvisai zvinyangadzo zvose nekuwandisa kwekuipa, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakasimwa mamuri, rinogona kuponesa mweya yeupenyu yenyu.

22 Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi chete, muchizvinyengera pachenyu.

23 Nokuti kana umwe ari munzwi weshoko uye asiri muiti, iye wakafanana nemunhu anoona chiso chake chechisikirwo muchionioni;

24 nokuti anozviona pachake, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wanga akadini.

25 Asi uyo anotarisisa mumurairo wakaperedzerwa werusununguko ndokurambirirapo, uyo asati ari munzwi anokanganwa asi muiti webasa, uyu acharopafadzwa pakuita kwake.

26 Kana umwe pakati penyu achiti anotenda, kana asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, chitendero cheuyu hachina maturo.

27 Chitendero chakachena chisina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndechichi: Kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, azvichengete asina gwapa kubva kunyika.