ShonaTeam Hebrews « 13

Mashoko ekupedzisira ekuraira

13Rudo rweukama ngarugare.

2 Musakanganwa kugamuchira vaeni; nokuti mukudaro vamwe vakagamuchira vatumwa vasingazvizivi.

3 Rangarirai vasungwa, semakasungwa pamwe navo; vanoitirwa zvakaipa, sezvinonzi ndimwiwo munobatwa zvakaipa pamuviri.

4 Wanano ngaikudzwe kune vose, nenhovo irege kusvibiswa; asi Mwari achatonga mhombwe nezvifeve.

5 Mararamiro enyu ngaave ekusakarira mari; gutsikanai nezvinhu zviripo; nokuti iye wakati: Handingatongokurasi, uye handingatongokusii.

6 Naizvozvo tingashinga tichiti: Ishe mubatsiri wangu, uye handingatyi munhu zvaangandiitira.

7 Rangarirai vanokutungamirirai, vakataura kwamuri shoko raMwari; muchicherechedza kuguma kwemafambiro avo, teverai rutendo rwavo.

8 Jesu Kristu wakadaro zuro nanhasi, nekusingaperi.

9 Musakukurwa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisingazikanwi; nokuti chinhu chakanaka kuti moyo usimbiswe nenyasha, kwete nekudya, kwavasina kubatsirwa nako ivo vakafamba makuri.

10 Tine aritari, pavasina kodzero yekudya pairi ivo vanoshumira tabhenakeri.

11 Nokuti mhuka idzo, dzakaisirwa ropa radzo panzvimbo tsvene nemupristi mukuru nekuda kwechivi, mitumbi yadzo inopiswa kunze kwemusasa.

12 Naizvozvowo Jesu, kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake pachake wakatambudzika kunze kwesuwo.

13 Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemusasa, takatakura kunyadziswa kwake.

14 Nokuti pano hatina guta rinogara, asi tinotsvaka rinouya.

15 Naizvozvo kubudikidza naye ngatirambe tichibaira chibairo chekurumbidza kuna Mwari, ndicho chibereko chemiromo ichibvuma zita rake.

16 Asi musakanganwa kuita zvakanaka nekudyidzana; nokuti Mwari anofadzwa nezvibairo zvakadaro.

17 Teererai vanokutungamirirai, uye muzviise pasi pavo; nokuti ava vanorindira mweya yeupenyu yenyu, sevachazopa rondedzero, kuti vaite izvozvo nemufaro, kwete nekugomera; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi.

Mashoko ekupedzisira

18 Tinyengetererei; nokuti tinovimba kuti tine hana yakanaka, tichida kufamba zvakanaka pazvinhu zvose;

19 uye ndinokukumbirisisai kuti muite izvozvi, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.

20 Zvino Mwari werugare, wakadzosa kubva kuvakafa Mufudzi mukuru wemakwai, neropa resungano yekusingaperi, iye Ishe wedu Jesu,

21 ngaakupereredzei pabasa rose rakanaka kuti muite chido chake, achiita mukati menyu izvo zvinofadza pamberi pake kubudikidza naJesu Kristu, ngaave nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.

22 Asi ndinokukumbirisai, hama, gamuchirai makatsunga shoko rekurudziro, nokutiwo ndakunyorerai nemashoko mashoma.

23 Zivai kuti Timotio hama yedu wakasunungurwa, kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai ndinaye.

24 Kwazisai vose vanokutungamirirai, nevatsvene vose. Vanobva Itaria vanokukwazisai.

25 Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.