ShonaTeam Hebrews « 12 »

Kuranga kwaBaba

12Naizvozvo nesu tine gore rezvapupu rakatikomberedza, ngatibvise mutoro wose nechivi chinonamatira nyore, ngatimhanye nemoyo murefu nhangemutange yatakaisirwa,

2 takatarira kuna Jesu, muvambi nemupedzeredzi werutendo, iye nekuda kwemufaro waakaisirwa, wakatsunga pamuchinjikwa, achizvidza kunyadziswa, akagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe chaMwari.

3 Nokuti cherechedzai iye wakatsunga pagakava rakadai revatadzi vachimirisana naye, kuti murege kuneta, muchipera simba pamweya yenyu.

4 Muchigere kupikisa kusvika muropa muchirwa nechivi;

5 uye makakanganwa kurudziro inokurukura kwamuri sekuvana ichiti: Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaIshe, uye usapera simba kana uchitsiurwa naye.

6 Nokuti Ishe anoranga waanoda, nekushapura mwanakomana umwe neumwe waanogamuchira.

7 Kana muchitsunga pakurangwa, Mwari anokubatai sevanakomana; nokuti mwanakomana ndeupi baba wavasingarangi?

8 Asi kana musina kurangwa, pavanoitwa vagovani vose, naizvozvo muri vana veupombwe, uye kwete vanakomana.

9 Uyezve takambova nemadzibaba enyama yedu aidzora, uye tikavakudza; ko, hatingazviisi zvikurusa pasi paBaba vemweya tigorarama here?

10 Nokuti ivo zvimwe vakatiranga kwemazuva mashoma, semaonero avo; asi iye anotirangira kubatsirwa, kuti tigoverane utsvene hwake.

11 Zvino kuranga kose kunoenda pakuvapo hakuratidzi sekwekufadza, asi kwekushungurudza; zvakadaro pashure kunobereka zvibereko zverugare zvakarurama kune vakarovedzwa mazviri.

12 Naizvozvo simbisai maoko akaremberera pasi nemabvi asina simba;

13 uye gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka, asi panzvimbo yeizvozvo chiporeswe.

14 Tevererai rugare nevose, neutsvene, kunze kwezvizvi hakuna munhu achaona Ishe.

15 Muchichenjerera kuti kurege kuva nemunhu anokundikana panyasha dzaMwari; kuti zvimwe mudzi wekuvava urege kukura kuzopa dambudziko, uye nawo vazhinji vasvibiswe;

16 ngakurege kuva neumwe anova mhombwe kana asina hanya naMwari, saEsau, wakatengesa udangwe hwake nekudya kumwe.

17 Nokuti munoziva kuti pashurewo, oda kugara nhaka yekuropafadzwa, wakarambwa; nokuti haana kuwana nzvimbo yekutendeuka, kunyange akaitsvaka zvikuru nemisodzi.

Sungano itsva inofananidzwa nesungano yekare

18 Nokuti hamuna kuuya kugomo ringabatwa, nerinopfuta moto, uye kurima, nekusviba, nekudutu remhepo,

19 uye kurira kwehwamanda, nenzwi remashoko; iro ivo vakarinzwa vakakumbira kuti shoko rirege kuchitaurwa kwavari;

20 nokuti vakakonewa kutakura icho chaiva charairwa, chekuti: Kana kunyange mhuka ikabata gomo, ichatakwa nemabwe, kana kufurwa nemuseve;

21 uye, chakaonekwa chaityisa kudai, Mozisi wakati: Ndinovhunduka, ndinodedera.

22 Asi mauya kugomo reZiyoni, nekuguta raMwari mupenyu, kuJerusarema rekudenga, nekumazana evatumwa vasingaverengeki,

23 kuungano huru nekereke yematangwe akanyorwa kumatenga, nekuna Mwari mutongi wevose, nekumweya yevakarurama vakapereredzwa,

24 nekuna Jesu murevereri wesungano itsva, nekuropa rekusasa, rinotaura zvinhu zviri nani pane raAbhero.

25 Chenjerai kuti murege kuramba uyo anotaura. Nokuti kana vasina kupukunyuka ivo vakaramba iye wakataura panyika zvinobva kuna Mwari, zvikuru sei isu kana tichifuratira iye anobva kumatenga.

26 Iye inzwi rake rakazungunusa nyika nguva iyo, asi ikozvino wakavimbisa, achiti: Kamwe chetezve ini ndichazungunusa kwete nyika chete, asi nedenga.

27 Uye izvi zvekuti: Kamwe chetezve, zvinoratidza kutamiswa kwezvinhu zvinozununguka, sezvinhu zvakaitwa, kuti zvisingazungunuki zvigare.

28 Naizvozvo zvatinogamuchira ushe husingazununguswi, ngative nenyasha dzatingashumira nadzo Mwari zvinogamuchirika pamwe nekukudza nekutya Mwari.

29 Nokutiwo Mwari wedu moto unoparadza.