ShonaTeam Hebrews « 11 »

Magamba erutendo

11Zvino rutendo ndirwo rusimbiso rwezvinotarisirwa, umbowo hwezvinhu zvisingaonekwi.

2 Nokuti nairwo vanhu vekare vakapupurirwa.

3 Nerutendo tinonzwisisa kuti nyika dzakarongwa neshoko raMwari, zvekuti zvinhu zvinoonekwa hazvibvi kuzvinhu zvinooneka.

4 Nerutendo Abheri wakabaira kuna Mwari chibairo chakanakisisa kupfuura Kaini; chaakawana nacho uchapupu kuti waiva akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naicho kunyange akafa achiri kutaura.

5 Nerutendo Enoki wakabviswa kuti arege kuona rufu, uye haana kuwanikwa, nokuti Mwari waiva amubvisa; nokuti asati abviswa wakapupurirwa kuti waiva afadza Mwari;

6 asi kunze kwerutendo hazvigoni kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari anofanira kutenda kuti iye aripo, uye mupi wemubairo wevanomutsvaka.

7 Nerutendo Nowa wakati ayambirwa naMwari pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, nekutya akagadzira areka yeruponeso rweimba yake; akapa nyika mhosva nayo, akava mudyi wenhaka wekururama zvichienderana nerutendo.

8 Nerutendo Abhurahama wakateerera adanwa kuti abude aende kunzvimbo yaakanzi achazoigamuchira ive nhaka, ndokubuda, asingazivi kwaanoenda.

9 Nerutendo wakagara semutorwa munyika yechivimbiso, senyika yeutorwa, achigara mumatende pamwe naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechivimbiso chimwecho pamwe naye;

10 nokuti waiva achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nemuvaki waro.

11 Nerutendo naSara pachake wakagamuchira simba rekugamuchira mbeu, akabereka apfuura nguva, nokuti wakati iye wavimbisa wakatendeka.

12 Naizvozvowo vakaberekwa neumwe, izviwo zvinobva kune wakafa, vakaita senyeredzi dzekudenga pakuwanda, uye sejecha riri pamahombekombe egungwa risingaverengeki.

13 Iva vose vakafira murutendo, vasina kugamuchira zvivimbiso, asi vakazvionera kure, vakatendeswa, vakazvigamuchira, vakabvuma kuti vaeni nevapfuuri panyika.

14 Nokuti vanotaura zvinhu zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yekwavo.

15 Nokuti kana zvirokwazvo vaifunga zvenyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vakawana mukana wekudzokera.

16 Asi ikozvino vanoshuva iri nani, ndiyo yekudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo, kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta.

17 Nerutendo Abhurahama paakaedzwa wakabaira Isaka, iyewo waiva agamuchira zvivimbiso akabaira mwana wake wakaberekwa umwe woga,

18 kwakanzi kwaari: Muna Isaka mbeu yako ichatumidzwa;

19 wakaona kuti Mwari anogona kumutsa kunyange kubva kuvakafa; ndipapowo paakamugamuchira mumufananidzo.

20 Nerutendo Isaka wakaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinhu zvinouya.

21 Nerutendo Jakobho ava kufa wakaropafadza umwe neumwe wevanakomana vaJosefa, akanamata akasendama pamusoro pemudonzvo wake.

22 Nerutendo Josefa ava kufa wakataura zvekubuda kwevana vaIsraeri, akaraira pamusoro pemapfupa ake.

23 Nerutendo Mozisi aberekwa wakavanzwa mwedzi mitatu nevabereki vake, nokuti vakaona mwana akanaka; uye havana kutya murairo wamambo.

24 Nerutendo Mozisi akura wakaramba kunzi mwanakomana wemukunda waFarao,

25 akasarudza kupfuura izvozvo kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari pane kuva nemufaro wechivi kwechinguva;

26 akati kutukwa kwaKristu ifuma huru pane zvakakosha zveEgipita; nokuti waiva akatarira kumubairo.

27 Nerutendo wakasiya Egipita, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti wakatsungirira seanomuona uyo asingaonekwi.

28 Nerutendo wakachengetedza pasika nekusaswa kweropa, kuti anouraya matangwe arege kuvabata.

29 Nerutendo vakagura nemuGungwa Dzvuku sepakaoma; vaEgipita vachizviidza vakanyura.

30 Nerutendo masvingo eJeriko akawa, apoteredzwa kusvika mazuva manomwe.

31 Nerutendo Rakabhi chifeve haana kuparara pamwe nevasina kutenda, agamuchira vashori nerugare.

32 Zvino ndichataurireizve? Nokuti ndichapererwa nenguva ndichirondedzera zvaGidhioni naBharaki naSamusoni naJefita naDhavhidhi naSamueri, nezvevaporofita;

33 avo nerutendo vakakunda ushe, vakaita kururama, vakawana zvivimbiso, vakadzivira miromo yeshumba,

34 vakadzima simba remoto, vakapukunyuka muromo wemunondo, vakava nesimba kubva pautera, vakasimba pakurwa, vakadzinga hondo dzemamwe marudzi.

35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vachibva pakumuka; vamwewo vakashungurudzwa, vasingagamuchiri kusunungurwa, kuti vawane kumuka kuri nani;

36 vamwewo vakaedzwa nekuitwa chiseko nekuzvamburwa, uye nezvisungo nejere;

37 vakatakwa nemabwe, vakatsemurwa nepakati, vakaedzwa, vakafa pakuuraya kwemunondo; vakadzungaira vakapfeka matehwe emakwai nematehwe embudzi; vari nhoronhondo, vachitambudzika, vachishungurudzwa,

38 (nyika haina kuvafanira) vachidzungaira mumagwenga nemakomo nemapako nemakomba enyika.

39 Neava vose, vapupurirwa zvakanaka kubudikidza nerutendo, havana kugamuchira chivimbiso,

40 sezvo Mwari waiva atigadzirira chinhu chiri nani, kuti varege kupedzeredzwa pasina isu.