ShonaTeam Hebrews « 10 »

Kristu wakazadzisa zvibairo zvekare

10Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kubudikidza nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera.

2 Dai zvaiva zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete.

3 Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe;

4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.

5 Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri;

6 zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira;

7 ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari.

8 Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida uye hamuna kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo),

9 ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri.

10 Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe.

11 Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi;

12 asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari,

13 kubva ikozvino anotarisira kusvika vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake.

14 Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene.

15 NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti:

16 Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, anoreva Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mupfungwa dzavo.

17 Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve.

18 Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi.

Ngatiswedere nemoyo wechokwadi

19 Naizvozvo, hama, zvatine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu,

20 nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake;

21 uye zvatine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari,

22 ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena.

23 Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka;

24 uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka,

25 tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera.

26 Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi,

27 asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi.

28 Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu;

29 munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha?

30 Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake.

31 Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

Fungai kutsunga kwenyu kwakare

32 Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko;

33 pamwe, pamakaitwa chiokero zvose nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro.

34 Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga.

35 Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu kune mubairo mukuru.

36 Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso.

37 Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki.

38 Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya weupenyu wangu haungafari naye.

39 Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa, asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya weupenyu.