ShonaTeam Hebrews « 9 »

Basa remupristi wesungano itsva

9Naizvozvowo zvirokwazvo sungano yekutanga yaiva ine zviga zvekushumira Mwari, nenzvimbo tsvene yenyika.

2 Nokuti tabhenakeri yakagadzirwa, yekutanga maiva nechigadziko chemwenje netafura nezvingwa zvekuratidza, ndiyo inonzi nzvimbo tsvene.

3 Zvino seri kwevheiri rechipiri kwaiva kune tabhenakeri yainzi nzvimbo tsvene yedzitsvene,

4 yaiva ine mudziyo wegoridhe wezvipfungaidzo zvinonhuhwira, neareka yesungano yaiva yakanamwa nhivi dzose negoridhe, maiva nehari yegoridhe yaiva ine mana, netsvimbo yaAroni yakatunga, nemahwandefa esungano;

5 nepamusoro payo makerubhi ekubwinya, akadzikatira chigaro chengoni; zvatisingarondedzeri tichiita chimwe chimwe ikozvino.

6 Zvinhu izvi zvakati zvagadzirwa saizvozvo, vapristi vaipinda nguva dzose mutabhenakeri yekutanga, vachipedzeredza mabasa ekushumira Mwari;

7 asi kune yechipiri mupristi mukuru waipinda ari oga kamwe pagore, kwete asina ropa, raaizvibairira iye pachake nezvitadzo zvevanhu;

8 Mweya Mutsvene achiratidza ichi, kuti nzira yenzvimbo tsvene yaiva isati yataridzwa, tabhenakeri yekutanga ichimire;

9 yaiva iri mufananidzo wenguva iyoyo, paibairwa zvose zvipo nezvibairo, zvisingagoni kupedzeredza maererano nehana uyo anoshumira;

10 zvinongova zvekudya nezvinwiwa nekushamba kwakasiyana-siyana nezviga zvenyama, zvakaiswa pamusoro pavo kusvika panguva yekururamisa.

11 Asi Kristu wakati asvika ari mupristi mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, kubudikidza netabhenakeri yakapfuura pakukura nepakuperedzerwa, isina kuitwa nemaoko, ndiko kuti isati iri yekusikwa kuno,

12 uye kwete neropa rembudzi nemhuru, asi neropa rake pachake wakapinda kamwe panzvimbo tsvene, awana rudzikunuro rwusingaperi.

13 Nokuti kana ropa renzombe nerembudzi nemadota etsiru zvichisasa pavakasvibiswa, zvichivaita vatsvene kusvika pakuchenurwa panyama,

14 zvikuru sei ropa raKristu, iye kubudikidza neMweya wekusingaperi wakazvibaira kuna Mwari asina gwapa, richanatsa hana dzenyu pamabasa akafa, pakushumira Mwari mupenyu?

Kristu murevereri wesungano itsva

15 Uye nemhaka iyi ndiye murevereri wesungano itsva, kuti sezvo rufu rwakasvika pakudzikunurwa kwekudarika pasungano yekutanga, avo vakadanwa vagogamuchira chivimbiso chenhaka isingaperi.

16 Nokuti pane rugwaro rwenhaka, panofanira kukumikidzwa rufu rwaiye wakaita rugwaro rwenhaka.

17 Nokuti rugwaro rwenhaka rwune simba kune vakafa, sezvo rwusingatongovi nesimba kana wakaita rugwaro rwenhaka achiri mupenyu.

18 Naizvozvo kunyange yekutanga haina kugadzwa pasina ropa.

19 Nokuti zviga zvose zvakati zvataurwa kuvanhu vose naMozisi zvichienderana nemurairo, wakatora ropa remhuru nembudzi, pamwe nemvura nemakushe matsvuku nehisopi*, akasasa zvose bhuku pacharo nevanhu vose,

20 achiti: Iri iropa resungano Mwari yaakakurairai.

21 Saizvozvowo wakasasa neropa zvose tabhenakeri nemidziyo yose yekushumira.

22 Zvino zvinhu zvinenge zvose maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro.

23 Naizvozvo zvakafanira kuti mifananidzo yezvinhu zviri kumatenga inatswe nezvizvi, asi zvinhu zvekudenga pachazvo zvinatswe nezvibairo zvakanaka kupfuura izvi.

24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa nemaoko, iri mifananidzo yezvechokwadi, asi wakapinda kudenga pachake, kuti ikozvino aonekwe pachiso chaMwari pachinzvimbo chedu;

25 uye kwete kuti azvibaire kazhinji, semupristi mukuru anopinda panzvimbo tsvene gore rimwe nerimwe neropa rezvimwe;

26 dai zvaiva zvakadaro, waifanira kutambura kazhinji kubva pakuvambwa kwenyika; asi ikozvino wakaonekwa kamwe pakupedzisira kwenguva kuti abvise chivi kubudikidza nechibairo chake amene.

27 Uye sezvazvakatemerwa vanhu kuti vafe kamwe, uye shure kwezvizvi kutongwa;

28 saizvozvowo Kristu, abairwa kamwe kuti atakure zvivi zvevazhinji, achazoonekwa rwechipiri asina chivi neavo vanomutarira, rwuve ruponeso.