ShonaTeam Hebrews « 8 »

Kristu mupristi mukuru wesungano itsva

8Zvino shoko guru pazvinhu zvatataura ndirori: Tine mupristi mukuru wakadai wakagara kuruoko rwerudyi rwechigaro cheushe cheMukuru kumatenga,

2 mushumiri wenzvimbo tsvene, newetabhenakeri yechokwadi, Ishe yaakadzika, kwete munhu.

3 Nokuti mupristi mukuru umwe neumwe wakagadzirwa kubaira zvipo nezvibairo; naizvozvo zvakafanira kuti naye ave nechimwe chaangabaira.

4 Nokuti kana aiva panyika, angadai asina kutombova mupristi, vapristi zvavaripo, vanobaira zvipo zvinoenderana nemurairo;

5 vanoshumira zviratidzo nemumvuri wezvinhu zvekudenga, Mozisi sezvaakarairwa naMwari oda kugadzira tabhenakeri; nokuti wakati: Chenjera kuti uite zvose zvichienderana nemufananidzo wawakaratidzwa mugomo.

6 Asi ikozvino wakawana ushumiri hwakanyanyisa kunaka, sezvaariwo murevereri wesungano inopfuura pakunaka, yakasimbiswa pazvivimbiso zvinopfuura pakunaka.

7 Nokuti dai iya yekutanga yaiva isina chaingapomerwa, dai pasina nzvimbo yakatsvakirwa yechipiri.

8 Nokuti achivapa mhosva, anoti: Tarira, mazuva anouya, anotaura Ishe, zvino ndichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha.

9 Kwete zvichienderana nesungano yandakaita nemadzibaba avo, pazuva randakabata ruoko rwavo kuti ndivabudise munyika yeEgipita; nokuti havana kurambira musungano yangu, neni ndikasava nehanya navo, anoreva Ishe.

10 Nokuti iyi isungano yandichasungana nayo neimba yaIsraeri shure kwemazuva iwayo, anotaura Ishe; ndichaisa mirairo yangu mumurangariro wavo, nemumoyo mavo ndichainyora; uye ndichava kwavari Mwari, ivo vachavawo kwandiri vanhu;

11 uye havangatongozodzidzisi umwe neumwe umwe wake, neumwe neumwe hama yake, achiti: Ziva Ishe; nokuti vose vachandiziva, kubva kumudiki wavo kusvika kumukuru wavo.

12 Nokuti ndichava netsitsi pakusarurama kwavo, nezvivi zvavo nezvakaipa zvavo handichatongozorangariri.

13 Pakuti: Sungano itsva, yakasakadza yekutanga. Zvino chosakarawo chova chekare, chava pedo kunyangarika.