ShonaTeam Hebrews « 7 »

Kristu mupristi mukuru kubva kurudzi rwaMerikizedheki

7Nokuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahama achidzoka kubva kunouraya madzimambo, ndokumuropafadza,

2 Abhurahama wakamugovera chegumi chezvose; iye pakutanga ari nekuturikirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremiwo, ndokuti mambo werugare;

3 asina baba, asina mai, asina rudzi, asina mavambo amazuva, asina kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nekusingaperi.

4 Zvino rangarirai kuti mukuru sei uyu, teteguru Abhurahama vaakapawo chegumi chezvakapambiwa.

5 Zvino zvirokwazvo avo vanobva kuvanakomana vaRevhi vakagamuchira basa reupristi vane murairo wekutora chegumi kuvanhu zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahama;

6 asi iye rudzi rwake rwusina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kuna Abhurahama, akamuropafadza iye waiva ane zvivimbiso.

7 Zvino pasina kupikisa kose, mudiki unoropafadzwa nemukuru.

8 Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo, anopupurirwa kuti mupenyu ndiye anogamuchira.

9 Zvino, kunganzi, kubudikidza naAbhurahama Revhiwo anogamuchira zvegumi wakapa zvegumi;

10 nokuti waiva achiri muchiuno chababa, apo Merikizedheki akamuchingamidza.

11 Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hwaRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu vakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki, uye asingaidzwi zvichienderana nerudzi rwaAroni?

12 Nokuti kana upristi huchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.

13 Nokuti iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndewerumwe rudzi, rwaiva rusina munhu wakashumira paaritari.

14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu wakamuka kuna Judha, rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura pamusoro parwo maererano neupristi.

15 Uye zvichiri pachena kwazvo-kwazvo, kana kuchimuka umwe mupristi sewakatodzana naMerikizedheki,

16 asina kuitwa nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nenzira yesimba reupenyu husingaparadziki.

17 Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.

18 Nokuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakavapo nekuda kweutera nekusabatsira kwawo;

19 nokuti murairo hauna kupedzeredza chinhu, asi kutangiswa kwetariro iri nani kwakazviita, yatinoswedera nayo kuna Mwari.

20 Uye zvaasina kuitwa pasina mhiko,

21 (nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki);

22 saizvozvo Jesu wakaitwa chibatiso chesungano inopfuura pakunaka.

23 Naivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa kugara nekuda kwerufu.

24 Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi, ane upristi husingapfuuri.

25 Naizvozvo ane simbawo rekuponesa zvakakwana avo vanouya kuna Mwari nemaari, zvaanoraramira kuvareverera nekusingaperi.

26 Nokuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;

27 asingafaniri zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru, kubaira chibairo pakutanga pamusoro pezvivi zvake pachake, pashure zvevanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, paakazvibaira iye.

28 Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi.