ShonaTeam Hebrews « 6 »

6Naizvozvo, tichisiya zvekutanga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzeredza, tisingaisizve nheyo yekutendeuka kubva pamabasa akafa, neyekutenda kuna Mwari,

2 yedzidziso yebhabhatidzo dzakasiyana-siyana, neyekuisa maoko, neyekumuka kwevakafa, neyekutonga kwekusingaperi.

3 Uye izvi tichaita, koga kana Mwari achitendera.

4 Nokuti hazvigoneki kuti vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chekudenga, ndokuva vagovani veMweya Mutsvene,

5 vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya,

6 ndokutsauka kuti vavavandudzirezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.

7 Nokuti nyika inonwa mvura inogarouya pamusoro payo, ndokubereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, inowana ropafadzo kubva kuna Mwari;

8 asi iyo inobereka minzwa nerukato, inorambwa uye yava pedo nekutukwa; kuguma kwayo kuri mukupiswa.

9 Asi tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani, vadiwa, uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi;

10 nokuti Mwari haasi asakarurama kuti akanganwe basa renyu nebasa rakarema rerudo rwamakaratidza kuzita rake, pamakashumira vatsvene uye muchiri kushumira.

11 Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro kuve kuvimbiswa kwakakwana kwetariro pakuguma.

12 Kuti murege kuva simbe, asi vateveri veavo vanodya nhaka yezvivimbiso kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.

Zvivimbiso zvaMwari zvinomutsa tariro

13 Nokuti Mwari paakavimbisa Abhurahama, nokuti waiva asina wakamudarika waangapika naye, wakapika naiye pachake,

14 achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nekuwanza ndichakuwanza.

15 Saizvozvowo, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.

16 Nokuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari, nemhiko yekusimbisa kuguma kwegakava rose kwavari.

17 Pakazoti Mwari achida zvikurusa kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakamiririra nemhiko,

18 kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingagoni kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu takatizira kunovanda kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;

19 yatinayo sechitsigiso chemweya weupenyu chakatsiga uye chakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;

20 apo nhungamiri payakatipindira, iye Jesu, wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, zvichienderana nerudzi rwaMerikizedheki.