ShonaTeam Hebrews « 4 »

Kupinda muzororo raMwari

4Naizvozvo ngatitye zvimwe chivimbiso chekupinda muzororo rake chichiripo umwe wenyu aonekwe achitaira kuchisvikira.

2 Nokuti nesuwo takaparidzirwa evhangeri, sekwavariwo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, sezvo risina kuvhenganiswa nerutendo kune avo vakanzwa.

3 Nokuti isu vakatenda tinopinda pazororo, sezvaakareva achiti: Sezvo ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati: Havangatongopindi muzororo rangu; kunyange mabasa aiva apedzwa kubva pakuvambwa kwenyika.

4 Nokuti wakataura pane imwe nzvimbo pamusoro pezuva rechinomwe sezvizvi: Mwari wakazororawo nezuva rechinomwe pamabasa ake ose;

5 nepanozve: Havangatongopindi muzororo rangu.

6 Naizvozvo zvazvichipo kuti vamwe vachapinda mariri, uye vakatanga kuparidzirwa evhangeri havana kupinda nekusateerera,

7 anogurazve rimwe zuva, achiti: Nhasi, achitaura kubudikidza naDhavhidhi, nguva huru yakadai yapfuura, sezvakwakataurwa, kuchinzi: Nhasi kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa moyo yenyu.

8 Nokuti dai Joshua aiva avapa zororo, haazaizoreva pashure peizvi pamusoro perimwe zuva.

9 Naizvozvo rasarirwa vanhu vaMwari zororo resabata.

10 Nokuti wakapinda muzororo rake iyewo wakazorora pamabasa ake, saMwari pane ake.

11 Naizvozvo ngatishingairire kupinda muzororo iroro, kuti kusava neanowira mumuenzaniso iwoyo wekusateerera.

12 Nokuti shoko raMwari ibenyu, uye rine simba, uye rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, uye rinobaya kusvika panoparadzana mweya weupenyu nemoyo, nepemafundo nemongo; uye mutongi wendangariro nezvinangwa zvemoyo.

13 Hakunawo chisikwa chisingaratidziki pamberi pake; asi zvinhu zvose zvakashama uye zvakazarurirwa meso aiye watinozvidavirira kwaari.

Kristu mukuru kuvapristi vakuru vekare

14 Naizvozvo zvatine mupristi mukuru kwazvo, wakapfuurira kumatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisise kupupura kwedu.

15 Nokuti hatina mupristi mukuru asingagoni kunzwiswa tsitsi neutera hwedu, asi wakaedzwa pazvinhu zvose sesu, asina chivi.

16 Naizvozvo ngatiswederei nekushinga kuchigaro cheushe chenyasha, kuti tigamuchire tsitsi, tiwane nyasha, tibatsirwe panguva yakafanira.