ShonaTeam Hebrews « 2 »

Njodzi yekusateerera

2Nekuda kweizvozvi tinofanira kuchenjerera zvikuru kuzvinhu zvatakanzwa, zvimwe tingakukurwa.

2 Nokuti kana shoko rakataurwa nevatumwa raiva rakasimba, uye kudarika kose nekusateerera kwakagamuchira kutsiva kwakarurama,

3 isu tichapukunyuka sei kana tisina hanya neruponeso rukuru rwakadai? Irwo pakutanga rwakataurwa naIshe, rukasimbiswa kwatiri naivo vakanzwa,

4 Mwari achivapupurirawo zvose nezviratidzo, nezvishamiso, nemasimba akasiyana-siyana, nezvipo zveMweya Mutsvene, zvichienderana nechido chake.

Kristu wakaitwa munhu kuti asunungure vanhu pazvivi zvavo

5 Nokuti haana kuisa nyika inouya pasi pevatumwa, yatinotaura nezvayo.

6 Asi umwe pane imwe nzvimbo wakapupura achiti: Munhu chii, kuti mumurangarire? kana mwanakomana wemunhu, kuti muve nehanya naye?

7 Makamuderedza zvishoma kuvatumwa; makamushongedza korona nekubwinya nerukudzo, ndokumumisa pamusoro pemabasa emaoko enyu.

8 Zvinhu zvose makaisa pasi petsoka dzake. Nokuti pane izvozvi wakaisa zvose pasi pake, haana kusiya chinhu chisina kuiswa pasi pake. Asi ikozvino tigere kuona zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.

9 Asi tinoona Jesu, akaderedzwa zvishoma kuvatumwa, nekuda kwedambudziko rerufu, akashongedzwa korona yekubwinya nerukudzo, kuti iye nenyasha dzaMwari aravire rufu achiitira wose.

10 Nokuti zvaiva zvakamufanira, iye zvinhu zvose zviripo nekuda kwake, uye kubudikidza naye zvose zviripo, pakuisa vanakomana vazhinji mukubwinya, apedzeredze mutungamiriri weruponeso rwavo kubudikidza nematambudziko.

11 Nokuti neanovaitisa vatsvene naivo vanoitwa vatsvene vose vakabva kune umwe; nemhaka iyi haanyadziswi kuvaidza hama,

12 achiti: Ndichaparidzira zita renyu kuhama dzangu, pakati pekereke ndichakuimbirai rumbidzo.

13 Uyezve: Ini ndichavimba naye. Uyezve: Tarirai ini nevana Mwari vaakandipa.

14 Naizvozvo sezvo vana vari vagovani venyama neropa, naiye pachake wakagovana navo izvozvi; kuti kubudikidza nerufu iye aparadze uyo ane simba rerufu, iye dhiabhorosi,

15 agosunungura avo vose kubudikidza nekutya rufu vaiva pasi peuranda upenyu hwose.

16 Nokuti zvirokwazvo haazvitoreri vatumwa, asi wakazvitorera mbeu yaAbhurahama.

17 Naizvozvo wakafanira pazvinhu zvose kufananidzwa nehama dzake, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi nekutendeka pazvinhu zvaMwari, kuti aite muripo wezvivi zvevanhu.

18 Nokuti pane izvozvo iye amene wakatambudzika achiedzwa, anogona kubatsira vanoedzwa.