ShonaTeam Hebrews « 1 »

Kristu mukuru kuvatumwa

1 Mwari iye ataura kare nenzira dzakawanda kumadzibaba nevaporofita muzvikamu nezvikamu,

2 pamazuva awa ekupedzisira wakataura kwatiri muMwanakomana, waakagadza mudyi wenhaka wezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika,

3 iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvose neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,

4 apfuudzwa vatumwa zvikuru pakunaka, sezvo aiva awana nhaka yezita gurusa kupfuura ivo.

5 Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? Uyezve: Ini ndichava kwaari Baba, uye iye achava Mwanakomana kwandiri?

6 Uye kana achiuisazve dangwe panyika anoti: Nevatumwa vose vaMwari ngavamunamate.

7 Nekuvatumwa zvirokwazvo anoti: Iye anoita vatumwa vake mweya, nevaranda vake murazvo wemoto;

8 asi kuMwanakomana anoti: Chigaro chenyu cheushe, Mwari, chiripo nekusingaperi-peri; tsvimbo yekururama itsvimbo yeushe hwenyu.

9 Makada kururama, ndokuvenga kuipa; naizvozvo Mwari, iye Mwari wenyu, wakakuzodzai nemafuta emufaro kupfuura vamwe venyu.

10 Uye kuti: Imwi Ishe, pakutanga makateya nheyo dzenyika, nematenga mabasa emaoko enyu;

11 izvo zvichaparara, asi imwi mucharamba muripo; uye zvose zvichasakara senguvo;

12 uye sechifukidzo muchazvipeta, uye zvichashandurwa; asi imwi makangodaro, nemakore enyu haangagumi.

13 Asi ndekune upi wevatumwa kwaakambotaura achiti: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvika ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?

14 Ko havasi vose mweya inoshumira yakatumwa kuzoshumira nekuda kwevachazodya nhaka yeruponeso here?