ShonaTeam Titus « 3

3Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rose rakanaka,

2 varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.

3 Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivengeka, tichivengana.

4 Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa,

5 kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene,

6 waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu,

7 kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi.

8 Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu;

9 asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emarudzi nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo.

10 Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe,

11 uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene.

Mashoko ekupedzisira neekuonekana

12 Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando.

13 Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari.

14 Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko.

15 Vose vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mose. Ameni.