ShonaTeam Titus « 2 » |
Mafambiro evaKristu
2Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya.
2 Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira;
3 saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka,
4 kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo,
5 vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo chaivo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
6 Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora;
7 pazvinhu zvose iwe uzviratidze uri mufananidzo wemabasa akanaka, padzidziso uchiratidza chokwadi, mugariro unokudzwa, nekuvimbika,
8 shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu.
9 Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo chaivo, kuti vafadze pazvose, vasingakakavari,
10 vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kose, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvose.
11 Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vose,
12 dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino,
13 tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu,
14 wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kose, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka.
15 Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rose. Kusava nemunhu anokuzvidza.