ShonaTeam 2 Timothy « 4

Timotio anosimbiswa

4Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake:

2 Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wose nedzidziso.

3 Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve;

4 uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano.

5 Asi iwe svinura pazvinhu zvose, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako.

6 Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika.

7 Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo;

8 kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama, nezuva iroro; uye kwete kwandiri ndega, asi nekune vose vanoda kuonekwa kwake.

Mashoko ekupedzisira

9 Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri.

10 Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratiya, Tito kuDharimatia.

11 Ruka oga aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.

12 Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso.

13 Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe.

14 Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake;

15 iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu.

16 Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vose vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari.

17 Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vose vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.

18 Uye Ishe achandirwira pabasa rose rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni.

Mashoko ekupedzisira

19 Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo.

20 Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara.

21 Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzose.

22 Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.