ShonaTeam 2 Timothy « 3 »

Kurasika kwemazuva ekupedzisira

3Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.

2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,

3 vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,

4 vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,

5 vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.

6 Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,

7 vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.

8 Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.

9 Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vose, sezvakazoita hwavowo.

10 Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,

11 kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ose.

12 Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;

13 asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.

14 Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,

15 uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvika pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.

16 Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakudzora, nepakuraira kuri mukururama;

17 kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rose rakanaka.