ShonaTeam 2 Timothy « 2 »

Timotio anosimbiswa

2Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu.

2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe.

3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu.

4 Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa somurwi.

5 Uye kanawo munhu achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo.

6 Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko.

7 Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvose.

8 Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu;

9 yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvika pakuva muzvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa.

10 Saka ndinotsungirira zvinhu zvose nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi.

11 Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye.

12 Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba.

13 Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba.

Tinofanira kuita sei kune vakarasika padzidzo

14 Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa.

15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.

16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari,

17 neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi;

18 ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe.

19 Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama.

20 Asi mumba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivha chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa.

21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo werukudzo, wakaitwa mutsvene, une basa kuna Tenzi, wakagadzirirwa basa rose rakanaka.

22 Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena.

23 Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa.

24 Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vose, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu,

25 anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi,

26 uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavaiva vakabatwa naye pakuda kwake.