ShonaTeam 1 Timothy « 6

Varanda navatenzi

6Vose vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa.

2 Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire.

Dzidziso dzakarasika dzinouisa zvakaipa

3 Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nedzidziso inoenderana nekunamata Mwari,

4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa,

5 kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro.

6 Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo;

7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu;

8 asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi.

9 Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa;

10 nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji.

Kumwe kuraira kwaPauro

11 Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro.

12 Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.

13 Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvose, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato,

14 kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvika pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu,

15 kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa uye oga Wemasimbaose, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe,

16 iye oga ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kumuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.

17 Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvose achiwanza kuti tifare;

18 vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana;

19 vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi.

Mashoko ekupedzisira

20 Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema;

21 irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni.