ShonaTeam 1 Timothy « 5 »

Ukama nevatana nechirikadzi

5Usatuka mukuru, asi umutsiure sababa, vadiki sevanin'ina,

2 vakadzi vakuru sanamai; vakadzi vadiki sehanzvadzi, pakuchena kose.

Kubata chirikadzi kwakafanira

3 Kudza chirikadzi dziri chirikadzi zvirokwazvo.

4 Asi kana imwe chirikadzi ine vana kana vazukuru, ngavatange kudzidza kuratidza rukudzo kumba kwavo pachavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki; nokuti ndizvo zvakanaka zvinogamuchirwa pamberi paMwari.

5 Zvino uyo ari chirikadzi zvirokwazvo yakasiiwawo yoga anovimba naMwari, anogarawo pamikumbiro neminyengetero siku nesikati.

6 Asi uyo anozvipira kuzvifadza, wakafa ari mupenyu.

7 Uye raira zvinhu izvi, kuti varege kuva nechavangapomerwa.

8 Asi kana munhu asingachengeti vekwake, zvikuruwo veimba yake, waramba rutendo, uye wakaipa kukunda asingatendi.

9 Chirikadzi ngainyorwe ine makore asiri pasi pemakumi matanhatu, yaiva mukadzi wemurume umwe,

10 inopupurirwa mabasa akanaka, kana yakarera vana, kana yakagamuchira vaeni, kana yakashambidza tsoka dzevatsvene, kana yakabatsira vari mumatambudziko, kana yakateverera basa rose rakanaka.

11 Asi chirikadzi diki urambe, nokuti kana dzochiva zvinopesana naKristu, dzinoda kuwanikwa;

12 dzava nemhosva, nokuti dzarasa rutendo rwekutanga.

13 Neipapowo dzinodzidza usimbe dzichipotedza dzimba; uye hadzisi simbe chete, asi vezvisina maturo, vanopindira zvisi zvavo, vachitaura zvavasingafaniri.

14 Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi diki dziwanikwe, dzibereke vana, dzibate dzimba dzadzo, dzirege kutongopa muvengi mukana wekutuka.

15 Nokuti vamwe vatotsauka vachitevera Satani.

16 Kana murume upi neupi anotenda kana mukadzi anotenda ane chirikadzi, ngaadzibatsire, nekereke irege kuremedzwa, kuti ibatsire chirikadzi chaidzo.

Vakuru vanobata nevanodzidzisa

17 Vakuru vanobata zvakanaka ngavaverengwe sevanofanirwa nekukudzwa kwakapetwa, zvikuru avo vanobata nesimba pashoko nepadzidziso.

18 Nokuti rugwaro rwunoti: Usasunga muromo wenzombe inopura; uye: Mushandi wakafanirwa nemubairo wake.

19 Usangogamuchira mhaka inopomerwa mutariri, kunze kana kuri mberi kwezvapupu zviviri kana zvitatu.

20 Vanotadza utsiure pamberi pevose, kuti vamwewo vave nekutya.

21 Ndinokurairisa kwazvo pamberi paMwari naIshe Jesu Kristu, nevatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete zvinhu izvi usingagari watotonga, uye usingaiti chinhu uchitsaura vanhu.

22 Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pemunhu, kana kugovana pazvivi zvevamwe; uzvichengete iwe uri mutsvene.

23 Usachiramba uchinwa mvura chete, asi ushandise waini shoma, nekuda kwemudumbu mako neundonda hwako hwekazhinji.

24 Zvivi zvevamwe vanhu zviri pachena, zvinotungamirira kukutongwa; zvevamwewo zvichiteverawo.

25 Saizvozvowo mabasa akanaka ari pachena, neasina kudaro haagoni kuvanzwa.