ShonaTeam 1 Timothy « 4 »

Kutsauka panguva yekupedzisira

4Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni,

2 paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa,

3 vachidzivisa kuwanana nekuraira kuzira kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi.

4 Nokuti chose chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga;

5 nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.

Timotio ave wakatendeka pabasa raMwari

6 Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakadzidziswa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera.

7 Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uye uzvirovedze pakunamata Mwari;

8 nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya.

9 Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kose.

10 Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vose, zvikuru weavo vanotenda.

Timotio anorairwa kufamba kwakanaka nekudzidzisa

11 Raira zvinhu izvi udzidzise.

12 Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene.

13 Kusvika ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso.

14 Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri.

15 Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vose.

16 Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.