ShonaTeam 1 Timothy « 3 »

Utariri hwekereke

3Ishoko rakatendeka rekuti: Kana munhu achishuva basa reutariri, anoshuva basa rakanaka.

2 Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaangapomerwa, murume wemukadzi umwe, wakazvibata, anozvidzora, ane chiremerera, anogamuchira vaeni, nyanzvi pakudzidzisa,

3 asiri muraradzi, asingafariri kurwa, asingakariri mibairo yakaipa, asi wakadzikama, asina gakava, asingakariri mari;

4 anobata imba yake pachake zvakanaka, anodzora vana vake nerukudzo rwose,

5 nokuti kana munhu asingazivi kubata imba yake pachake, achachengeta sei kereke yaMwari?

6 Asava mutendi mutsva, kuti nekukudzwa arege kuwira mukupiwa mhosva kwadhiabhorosi.

7 Uyezve anofanira kuva neuchapupu hwakanaka kubva kune vari kunze, kuti arege kuwira mukumhurwa nemumusungo wadhiabhorosi.

8 Saizvozvo vadhikoni* ngavave vanokudzwa, vasina manzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa,

9 vanochengeta chakavanzika cherutendo muhana yakachena.

10 Naivava ngavatange kuedzwawo, ipapo vangashumire, kana vasina chavangapomerwa.

11 Saizvozvo vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, kwete vacheri, vanozvidzora, vakatendeka pazvose.

12 Vadhikoni ngavave varume vemukadzi umwe, vanobata vana vavo nedzimba dzavo pachavo zvakanaka.

13 Nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira chimiro chakanaka, nekutsunga kukuru parutendo rwuri muna Kristu Jesu.

14 Zvinhu izvi ndinokunyorera, ndichitarisira kuuya kwauri nekukurumidza;

15 asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti vanofanira kufamba sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nehwaro hwechokwadi.

16 Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.