ShonaTeam 1 Timothy « 2 »

Mirairo yekushumira pamwe

2Naizvozvo kutanga pazvose ndinokurudzira kuti mikumbiro, minyengetero, kureverera nekupa kuvonga zviitirwe vanhu vose;

2 pamadzimambo nevose vari panzvimbo dzakakwirira, kuti tirarame upenyu hwerugare nerunyararo pakunamata Mwari kose nerukudzo;

3 nokuti izvi zvakanaka uye zvinogamuchirwa pamberi paMwari Muponesi wedu,

4 uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pakuziva chokwadi.

5 Nokuti kuna Mwari umwe, nemurevereri umwe pakati paMwari nevanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,

6 wakazvipa iye kuva rudzikunuro rwevose, chive chapupu panguva dzakafanira,

7 icho chandagadzirwa ini kuva muparidzi nemuapositori (ndinoreva chokwadi muna Kristu, handitauri nhema), mudzidzisi wevahedheni parutendo nechokwadi.

Zvinofanira kuita vakadzi

8 Naizvozvo ndinoshuva kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, pasina kutsamwa nekupikisana.

9 Saizvozvowo vakadzi vazvishongedze nezvipfeko zvakafanira, vane kunyara nekuzvidzora, kwete nevhudzi rakarukwa, kana goridhe, kana maparera*, kana nguvo dzinodhura,

10 asi, zvakafanira vakadzi vanoti vanoshumira Mwari, nemabasa akanaka.

11 Mukadzi ngaadzidze mukunyarara nekuzvininipisa kose.

12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.

13 Nokuti Adhamu wakatanga kuumbwa, tevere Evha;

14 naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi anyengerwa wakava mukudarika,

15 asi achaponeswa kubudikidza nekubereka vana, kana vachirambira murutendo nerudo neutsvene pamwe nekuzvidzora.