ShonaTeam 1 Timothy « 1 »

Kwaziso

1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu,

2 kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.

Timotio ngaaraire vadzidzisi venhema

3 Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,

4 kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemarudzi dzisingaperi, dzinomutsa gakava panzvimbo yekuvaka kwaMwari kuri murutendo.

5 Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri;

6 pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo,

7 vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa.

8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,

9 achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu,

10 mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya,

11 maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa.

Pauro anovonga kuti Mwari wakamuisa pabasa rake

12 Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri,

13ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;

14 asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.

15 Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chose, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo;

16 asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndiri mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wose, ndive muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi.

17 Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari woga wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvika rinhi narinhi. Ameni.

Pauro anopa Timotio basa rake

18 Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;

19 wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa, zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe,

20vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.