ShonaTeam 2 Thessalonians « 2 »

Kuuya kwaKristu nemupikisi waKristu

2Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari,

2 kuti murege kukurumidza kuzununguswa mupfungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.

3 Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,

4 anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvika agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.

5 Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?

6 Asi ikozvino munoziva chinodzivirira, kuti aratidzwe munguva yake pachake.

7 Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvika achibviswa pakati.

8 Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;

9iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rose nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,

10 nepakunyengera kose kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.

11 Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema;

12 kuti vose varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.

Pauro anovongazve nokunyengeterera VaTesaronika

13 Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi;

14 zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

15 Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.

16 Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, ivo Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha,

17 anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko roga-roga rakanaka nebasa.