ShonaTeam 2 Thessalonians « 1 »

Kwaziso

1 Pauro naSirivhano naTimotio kukereke yevaTesaronika muna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu:

2 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

Pauro anovonga nokuti vanomira nesimba

3 Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama, sezvazvakafanira, nokuti rutendo rwenyu rwunokura zvikurusa, nerudo rweumwe neumwe wenyu mose kune umwe neumwe rwunowanda;

4 nekudaro isu tomene tinozvirumbidza mamuri mumakereke aMwari pamusoro pemoyo murefu wenyu nerutendo mukushushwa kwenyu kose nematambudziko amunotsunga maari.

5Ndicho chiratidzo chekutonga kwakarurama kwaMwari, kuti muverengwe semakafanira ushe hwaMwari, hwamunotambudzikirawo;

6 sezvo chiri chinhu chakarurama kuna Mwari kutsiva dambudziko kune vanokutambudzai,

7 uye kwamuri munotambudzwa, kuzorora pamwe nesu, pakuzarurwa kwaIshe Jesu achibva kudenga nevatumwa vesimba rake,

8 mumoto unopfuta achitsiva kune vasingazivi Mwari, nekune vasingateereri evhangeri yaIshe wedu Jesu Kristu;

9 vacharangwa nekuparadza kusingaperi, vabviswe pamberi paIshe, nepakubwinya kwesimba rake,

10 paachauya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nekuyemurwa mune vose vanotenda (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa) nezuva iro.

11 Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu akuverengei makafanirwa kudanwa uye azadzise kuda kose kwakanaka kwekunaka hwake nebasa rerutendo nesimba;

12 kuti zita raIshe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemwi maari, zvichienderana nenyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.