ShonaTeam 1 Thessalonians « 5

Kuuya kwaIshe

5Asi maererano nenguva nemwaka, hama, hamufaniri kuti munyorerwe,

2 nokuti imwi mumene munoziva kwazvo kuti sembavha usiku, saizvozvo zuva raIshe rinosvika;

3 nokuti pavanoti: Rugare nekugarika; pakarepo kuparadzwa kunovawira, sekurwadzwa nemimba kwemukadzi ane mimba; uye havangatongopukunyuki.

4 Asi imwi, hama, hamusi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha.

5 Imwi mose muri vana vechiedza nevana vemasikati; hatisi veusiku kana verima;

6 naizvozvo zvino ngatirege kurara sevamwewo, asi ngatirinde, tipengenuke.

7 Nokuti vanorara vanorara usiku; nevanoraradza vanoraradza usiku.

8 Asi isu tiri vemasikati, ngatipengenuke, tichipfeka chidzitiro chechifuva cherutendo nerudo; netariro yeruponeso ive nguwani.

9 Nokuti Mwari haana kutitemera hasha, asi kuwana ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu,

10 wakatifira, kuti kana tikarinda kana kurara, tirarame pamwe naye.

11 Saka kurudziranai, muvakane, sezvamunoitawo.

Kunyevera kwekupedzisira nekuonekana

12 Asi tinokukumbirai, hama, kuziva vanoshanda zvine simba pakati penyu, nevanokutungamirirai muna Ishe, nekukurairai,

13 uye muvakudze zvikurusa murudo, nekuda kwebasa ravo. Ivai nerugare pakati penyu.

14 Asi tinokukurudzirai, hama, yambirai vasina murairo, munyaradze vanopera moyo, tsigirai vasina simba, muve nemoyo murefu kune vose.

15 Chenjerai kuti umwe arege kutsiva umwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose teverai zvakanaka, zvose pakati penyu nekune vose.

16 Farai nekusingaperi;

17 nyengeterai musingamiri;

18 vongai pazvinhu zvose; nokuti ichi ndicho chido chaMwari muna Kristu Jesu maererano nemwi.

19 Musadzima Mweya;

20 musazvidza zviporofita;

21 idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka;

22 ibvai pakuonekwa kose kwekuipa.

23 NaMwari werugare amene ngaakuitei vatsvene zvakazara; nemweya weupenyu wenyu wose, nemoyo, nemuviri, zvichengetwe zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

24 Wakatendeka iye anokudanai, achazviitawo.

25 Hama, tinyengetererei.

26 Kwazisai hama dzose nekutsvoda kutsvene.

27 Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iverengerwe hama tsvene dzose.

28 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.