ShonaTeam 1 Thessalonians « 4 »

Mufambiro unofadza Mwari

4Zvino zvimwe, hama, tinokukumbirisai, nekukurudzira naIshe Jesu, sezvamakagamuchira kwatiri kuti munofanira kufamba nekufadza Mwari sei, kuti muwanze nekuwanzisisa pazviri.

2 Nokuti munoziva mirairo yakadini yatakakupai kubudikidza naIshe Jesu.

3 Nokuti ichi ndicho chido chaMwari, kuitwa vatsvene kwenyu, kuti muzire upombwe;

4 kuti umwe neumwe wenyu azive kuzviwanira mudziyo wake mukuitwa mutsvene nemurukudzo,

5 kwete pakuchiva kwechishuwo, kunyange sevahedheni vasingazivi Mwari;

6 kusava neanopfuurikidza akanyengera hama yake pachiitiko; nokuti Ishe ndiye mutsivi wezvose izvi, sezvatakagara takuudzaiwo nekupupura.

7 Nokuti Mwari haana kutidanira kutsvina, asi kuutsvene.

8 Naizvozvo anozvidza, haazvidzi munhu, asi Mwari wakatipawo Mweya wake Mutsvene.

9 Zvino maererano nerudo rweukama hamutsvaki kuti ndikunyorerei, nokuti imwi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudanane;

10 nokuti nemwi munozviita kuhama dzose dziri paMakedhonia yose; asi tinokukurudzirai, hama, kuti muwanzise zvikuru,

11 uye mushingairire kuva nerunyararo, nekuita basa renyu pachenyu, nekushanda nemaoko enyu pachenyu, sezvatakakurairai;

12 kuti mufambe zvinoremekedzwa kune vari kunze, uye musashaya chinhu.

Kumuka kwevakafa nekudzoka kwaKristu

13 Asi handidi kuti mushaiwe ruzivo, hama, maererano nevarere, kuti murege kushungurudzika sevamwewo vasina tariro.

14 Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa uye wakamuka, saizvozvowo vakarara kubudikidza naJesu, Mwari achavauisa pamwe naye.

15 Nokuti izvi tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, tinosiiwa kusvika pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakarara.

16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;

17 kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.

18 Naizvozvo nyaradzanai nemashoko awa.